‘Vakwegura vari panjodzi neCovid-19’ 

Muchaneta Chimuka 

VANHU vakwegura vanonzi vari panyatwa huru yekubatwa nechirwere cheCovid-19 zvichitevera kuderera kwemasoja avo emuviri izvo zvinoita kuti vave nyore kubatwa nezvirwere zvese-zvese nokudaro zvakakosha kuti vange vachidzivirirwa zvakasimba kubva kudenda iri.

Izvi zvakabuda pazuva guru rekucherechedza nyaya dzekumbunyikidzwa kwevakwegura reWorld Elder Abuse Awareness rinocherechedzwa nomusi wa15 Chikumi gore negore.

Vachitaura svondo rapera pamhemberero idzo dzakaitirwa muHarare, munyori mukuru kubazi rezvevashandi nekubatsirwa kwevanotambura, VaSimon Masanga, vanoti vakwegura vari panyatwa huru yekubatwa nechirwere cheCovid-19 zvichitevera zvimwe zvirwere zvavanenge vagara vainazvo zvakadai seBP, shuga negomarara, pakati pezvimwe.

“Kuuya kwakaita chirwere cheCovid-19 munyika kwakaona vanhu vakwegura vazhinji vachitambura nekushaya chikafu, pekugara, chekupfeka uye vamwe vachirasikirwa nehupenyu nekuti vanhu vaivatsigira vanenge vava kuomerwawo nehupenyu. Nyaya dzerusarura dziri kuwanikwa dzichiwanda mudzimba pamwe nemisha inochengeta vakwegura apo vanorohwa, kutukwa, kunyimwa chikafu kana kuregedza kurapiswa chaiko pavanorwara,” vanodaro.

Hurumnende, vanodaro VaMasanga, iri kuisa mitemo yakasimba iri maringe nekuchengetedzwa kwakanaka kwevakwegura kuitira kuti vabve munyatwa yekushungurudzwa uku.

“Chikamu che46 percent chevanhu vakwegura avo vane makore 60 okuberekwa zvichienda kumberi, vanhu vari kutambudzwa nezvinhu zviviri zvinoti kuremara pamwe nekubatwa nezvirwere zvinoda mishonga kwenguva ndefu (chronic illnesses). Saka vanoda rutsigiro rwakasimba kuti vave nezvekushandisa muraramo yavo. Vamwe vari kuwanikwa vachitorerwa midziyo yavo inovabatsira kuti vange vachifamba ichivigwa nechinangwa chekuti vachengeti vavo vanenge vachida kuti vagare panzvimbo imwe chete. Saka izvi zvinovashungurudza zvikuru nekuti vane kodzero yavo yekufamba. Covid-19 iri kuita kuti vakweguru vawanikwe vachisungurudzwa zvakanyanya apo vanenge vasisina raramo yavaiita vachiungana nekukurukura nevamwe vemazera avo,” vanodaro.

VaMasanga vanoti nyaya dzekupumhwa huroyi uye kutorerwa midziyo nemari dzepenjeni dzakawanda kuvanhu vakwegura.

“Tiri kuona vakwegura vachiwanda mumisha inochengetwa vakwegura zvichikonzerwa nekuti vava kusemwa munharaunda. Vanosekwa, kutukwa uye kupumhwa huroyi vachipedzisira vanosiiwa kana kuzviendera vega kumisha inochengetwa vakwegura. Saka zuva guru rekucherechedza kushungurudzwa kwevakwegura rinobatsira kuti tifushunure mamwe ematambudziko avanosangana nawo. Tinoda kusimudzira raramo yavo muna zvose sezviri mudozvo redu remaSustainable Development Goals egore ra2030 ari maringe nekupedza nzara uye kusimudzira utano hwevanhu vakaremara nevakweguru,” vanodaro.

Related Posts

Makore mashanu mujeri nemhosva yokuba akapakata zvombo

Getrude Manyande MURUME ane makore 54 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu azere nemhosva yokuba akapakata zvombo pane imwe imba murukisheni rweMbundane, apo chirangio chakapiwa mwanakomana wake pamhosva yekugamuchira…

Dambudziko rekuitira tsvina pose-pose rakura muguta reHarare

Muchaneta Chimuka KANZURU yeHarare yoshorwa zvikuru panhau yekusiya vashandi vayo vachibhadharisa voruzhinji US50 cents pamunhu kuti ange achipinda muchimbuzi zvisinei nokuti nzvimbo idzi dzinofanira kunge dzichishandiswa pachena. Izvi zviri kuita…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×