. . . vamwe vodiwa kuRwanda, Namibia neBotswana

Nqobile Tshili

NYIKA nhatu dzemuAfrica dzakaisa chikumbiro kuHurumende yemuno chekuti varairidzi vemuZimbabwe vanodzidzisa kunyika idzi.

Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vakazivisa nezvenyaya iyi nemusi weChishanu chadarika apo vaitaura papublic lecture yakaitwa paUnited College of Education iri kuBulawayo.

Gungano iri — iro rakarongwa nesangano rinomirira vadzidzi vekumakoreji nemayunivhesiti, reZimbabwe Congress of Students Union (Zicosu) – rakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Kushandisa varairidzi nedzidzo mukuzadzikisa chiono cheVision 2030.”

Prof Mavima vanoti Hurumende yakambomisa hurukuro neSudan pamusoro penyaya yekuendesa varairidzi vemuno ikoko zvichitevera kusagadzikana kwemamiriro ezvinhu kunyika iyi.

Vanoti Hurumende iri kuita hurukuro neRwanda, Namibia neBotswana nechinangwa chekuti maticha emuZimbabwe anofundisa kunyika idzi.

“Takawana zvikumbiro kubva kune dzimwe nyika dziri kuda varairidzi vanokwanisa kufundisa English. Tiri kutarisa nyaya yekudyidzana iyi. Maticha anenge achida anogona kupinzwa basa kunze kwenyika.

“Nyika yakatanga kuisa chikumbiro kwatiri iSouth Sudan, asi takambomisa hurukuro idzi nekuda kwekusagadzikana kwezvinhu ikoko,” vanodaro.

Prof Mavima vanoenderera mberi vachiti, “Rwanda yakaisa chikumbiro kwatiri zvakare, Namibia iri kutaura nesu pamwe chete neBotswana.”

Hurumende, vanodaro Prof Mavima, yakazvipira kugadzirisa matambudziko ari kusangana nevarairidzi mubasa ravo.

Vanoti bazi ravo riri kushanda nemasangano anomirira varairidzi mukusimudzira kushanda kwematicha.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *