Vamwene, muroora nasahwira tiba

Courtney Munodawafa

MUROORA akapotera kudare achida gwaro rerunyararo kubva kuna vamwene vake neshamwari yavo avo vaanoti vari kumupomera kuti ari kufamba achitaura mashoko ekuti mwana wavo mucheche haasi wavatezvara vake, asi wechikomba.

Revai Smoke akamhan’arira Fortunate Jonasi, uyo anova vamwene vemunin’ina wake, nasahwira wake Esnath Kararira kuHarare Civil Court achiti vari kumushaisa rugare. Mutongi Nyasha Marufu akapa Smoke gwaro rinomuchengetedza.

Smoke anoti Jonasi anomupomera kuti anoudza vanhu kuti mwana waanaye ndewechikomba.

“Fortunate ndivamwene vemunin’ina wangu uye vanotogara vose. Dambudziko rangu riri pakuti Esnath akamuudza kuti ndakati mucheche waainaye haasi wemurume wake asi kuti ndewechikomba.

“Vakauya kumba kwangu vachida kubvunza nyaya iyi vakanditukirira. Vaitoda kundirova asi vakazobatwa nevanhu vaivepo,” anodaro.

Smoke anoti Jonasi naKararira vanomutuka nezvinyadzi pamberi pevana vake.

“Vakauya vose naEsnath, achindituka zvinonyadzisira pamberi pevana vangu. Zvavaiti ndakataura handina kumbozvitaura ini ndakatozvinzwa zvichitaurwa nevamwe vekumaraini kwedu. Ini ndoita zvekutengesa saka ndipo pandakazvinzwa,” anodaro.

Smoke anoenderera mberi: “Pavakauya, handina kupindura Fortu nokuti ndivamwene saka munyarikani asi Esnath ndakachinjana naye mashoko, ndiye wandakatukana naye.”

Achipawo divi rake, Jonasi anotsinhira kuti akatuka Smoke achimupomera kuti anoda kupunza imba yake.

“Ndakamutuka nokuti ainge anditukawo. Anofamba achitaura kuti mwana wangu haasi wemurume wangu asi kuti ndewaGerald.

“Handina munhu wandinoziva anonzi Gerald. Iye ndiye ari kundishaisa rugare nekuti zvaakataura zvava kukanganisa imba yangu.

“Ndiye anotobvongodza runyararo rwangu,” anodaro Jonasi.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *