Van Dijk orwirwa

BRENDAN Rodgers obuda pachena kuti akaedza kutenga Virgil van Dijk kuLiverpool panguva yaairairidza kuAnfield asi akatadziswa nenhengo dzinoongorora vatambi vekunze vechikwata ichi.

Kukuvara kwakaita Van Dijk kwaona Southampton ichinwiswa kashanu mumitambo miviri, ndokuzokundawo Sunderland svondo radarika.

Asi mumitambo 30 yakatambwa naVan Dijk asati akuvara – izvo zvinogona kutadzisa mutambi uyu kutamba nhabvu zvakare mwaka uno – Southampton yakange yatamba mitambo 12 isina kumbonwisa.

Matambiro aya ndiwo akasimudza mashoko ekuti chizvarwa chekuNetherlands ichi chinogona kubva kuSt Mary’s mwaka uno.

Asi svondo radarika, Sportsmail yakaburitsa nyaya yekuti zvikwata zvinoti Barcelona, Chelsea naManchester City zviri kuda kumutenga, zvinoreva kuti akatamba mutambo wake wekupedzisira kuma Saints.

Aimbove murairidzi weLiverpool – Rodgers – uyo ave kurairidza Celtic, chinove chikwata chakatengesa Van Dijk kuSouthampton mugore ra2015, anoti aida kutenga mutambi uyu achiri kutambira nhabvu yake kuHolland.

“Pandaive kuLiverpool ndakabvunza nezvaVan Dijk paaive kuGroningen uye akazoenda kuCeltic.

“Asi ndakaudzwa kuti hatifanirwe kumutenga panguva yacho iyoyo,” akadaro Rodgers.

“Virgil van Dijk aigona kusvetuka kubva kuCeltic achiuya kuLiverpool.

“Zvimwe zvikwata zvinoda kutanga zvaona mutambi achitamba mune dzimwe nhandare.

“Waiona kuti Van Dijk imbada pakumhanya, akasimba uye anogona kusvetuka kuenda mudenga.”

Rodgers akaenderera mberi achiti, “Saka ndezvipi zvimwe zvaunoda kuona? Unotomuona achitambira nyika yake uye zvimwe zvikwata zvinoda kutanga zvamuona achikwikwidza muChampions League.” – Daily Mail Football.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *