Vana 100 vakapihwa shangu dzechikoro

VANA 100 nherera nevanobva kumhuri dzinoshaya vepaDombodzvuku Primary School, kwaMurehwa, vakabatsirwa zvikuru zvichitevera kupihwa kwavakaitwa shangu dzechikoro nemumwe muzvinhabhizimusi wemuHarare.

Bhutsu idzi vakapihwa naMai Sheilah Mashiri masvondo maviri adarika nechinangwa chekusimudzira dzidzo yevana vanotambura.

“Chinangwa changu pakubatsira vana ava ndechekudzorera kunharaunda pashoma pandinowana. Chakanyanya kundituma kutengera vana ava shangu idzi chido chekuda kubatsira vana vadiki pamwe chete nenherera avo vanoshairwa mari yekuvatengera bhutsu.

“Ndiri munhu akakurira kumusha sevana ivavo saka ndinonyatsonzwisisa kuti mwana ari kumusha anodei kana achienda kuchikoro. Izvi ndizvo zvakaita kuti ndikwanise kutambanudza ruwoko rwangu kuvana ava,” vakadaro Mai Mashiri.

Mukuru wepaDombodzvuku Primary, VaPhidelis Mukubvu vakatenda Mai Mashiri nekubatsira kwavakaita vana vepachikoro chavo.

“Izvi zvinhu zvinokudzwa chaizvo kuona vana vachiwaniswa bhutsu pasina kana mubhadharo. Vanhu vashoma vanozvikwanisa izvozvo, kutengera vana vanosvika zana bhutsu. Mai Mashiri vakangoti ndisarudzirei vana vanoshaya uye nherera vekuti nditengere bhutsu, maticha akasarudza vana kubva muGrade 1 kusvika 7 vanova ndivo vakazopihwa bhutsu musi wekuvhara.

“Pakanga pasingasarudzwi vanowana asi kuti nherera pamwe chete nevanoshairwa mari yekutenga bhutsu.

“Izvi zvakatifadza sechikoro nekuti kune vamwe vana vataiziva kuti havana pekutangira tisati tambovaonawo vakapfeka bhutsu. Ndinongokurudzirawo veruzhinji vari mumabasa akasiyana kuti pane tushoma twatinenge taona ngatidzokei kunharaunda dzatakabva tichibatsira nekupa vanhu, kusanganisira vana vechikoro pashoma patinenge tinapo,” vakadaro VaMukubvu.

Mai Mashiri vakaberekerwa pamwe chete nekukurira kwaChirau, kwaZvimba, uye vanoti vane chido chekubatsira vana vari kumaruwa.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×