Vana nherera vodzidziswa

Muchaneta Chimuka
SANGANO rakazvimirira reWorld Education riri kubatsira mudzidzo yevana vanotambura kumaruwa uye pari zvino riri kutsigira chikoro cheSimbarashe Out Of School Education Programme chiri kuMhondoro. Chikoro ichi chinotungamirirwa naVaRichman Rangwani (48) uye chinopindwa nevana nherera, vanobva kumhuri dzinotambura pamwe chete nevanorarama neutachiona hweHIV avo vanodzidziswa zvakasiyana, mushure vozorumurwa kuendeswa kuzvikoro zvepuraimari.

VaRangwani ndivo zvakare mukuru wesangano reSimbarashe AIDS Network kuMhondoro-Ngezi.
“Chirongwa chekufundisa vana vasiri kuenda kuchikoro nekuda kwezvikonzero zvakadai sekushaya mari, kufirwa nevabereki uye kushungurudzwa neutachiona hweHIV takachitanga mugore ra2001 uye sangano reWorld Education ndiro riri kutitsigira zvakanyanya,” vakadaro VaRangwani.

Vanoti vakatanga chirongwa ichi mushure mekuona kuti nherera nevana vanobva kumhuri dzinotambura vari kusiira chikoro panzira kana kutotadza kuenda zvachose.

“Nekuda kweHIV, vana vazhinji vari kusara vari nherera uye vamwewo vabereki vanokundikana kuendesa vana kuchikoro nekuda kwehurwere. Pamusoro peizvi, kune vamwe vana vari kuzvarwa vaine utachiona hweHIV, avo vari kusangana nerusarura muzvikoro.

“Takafamba tichitsvaga vana ava tikavaisa muchirongwa ichi kuti vawane dzidzo yakangofanana neyevana vari muzvikoro. Tine varairidzi vakafundira basa pamwe nekudzidziswa munyaya dzekurwisa rusarura kuvana vane utachiona hweHIV, avo vari kuita basa ravo nemazvo uye vana vari kukura zvanaka nekuda kwerudo urwu.”

Vanoti vana ava vanozorumurwa vachiendeswa kuzvikoro zvine vamwe veruzhinji.
“Tine vana vanodarika 400 vemazera akasiyana avo vatakaendesa kuzvikoro zviri munharaunda ino. PaMurambwa Primary takaendesa 70, Makwara Primary 30, Tagarika Primary 30, Dangarendove Primary 30, Musinambi Primary 40 uye neChizinga Primary 40, pakati pezvimwe zvikoro. Muzvikoro umu vana vanenge vachiiswa mumakirasi anoenderana nekugona kwavo vachibhadharirwa mari neWorld Education,” vakadaro.

“Tine chirongwa cheSchool Health Assessment Programme icho chinotsigirwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana tichiona kuti vana vawaniswa mishonga yavo yemaAnti-Retroviral Drugs nenguva pamwe nekupangwa mazano. Takaona izvi zvakakosha nekuti kana mwana asina utano hwakanaka kunyangwe dzidzo yake inoderera.”

VaRangwani vanoti ivo vanorarama neutachiona hweHIV uye vane shungu dzekusimudzira dzidzo yevana vane utachiona uhu kuti vagove neramagwana rakajeka.
Mudunhu reMashonaland West vari kushanda nezvikoro 13 pasi pechirongwa ichi.

Related Posts

Gororo rine pfuti rabatwa rahwanda muchibage

Kingstone Mapupu GORORO rainge rarura nekubira vatyairi vedzimotokari rakapakata pfuti pamugwagwa rakazobatwa rakavhumbama pakati pemunda wechibage mushure mekunge rahwanda apo raive rabira mumwe mutyairi US$50 kuBulawayo. Mbavha iyi yakakwidzwa motokari…

Makore 10 mujeri sekuru vabata muzukuru chibharo

Moffat Mungazi MURUME ane makore 68 okuberekwa wekuChikanga, kwaMutare — Harry Peter Mangani — akatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi mushure mekuwanikwa aine mhosva yekubata chibharo muzukuru wake ane makore 28…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×