Makore 10 mujeri sekuru vabata muzukuru chibharo

Moffat Mungazi

MURUME ane makore 68 okuberekwa wekuChikanga, kwaMutare — Harry Peter Mangani — akatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi mushure mekuwanikwa aine mhosva yekubata chibharo muzukuru wake ane makore 28 okuzvarwa mugore ra2016.

Mutongi wedare reMutare Magistrates’ Court, Mai Sekai Chiwundura, vakatura mutongo uyu svondo rapera.

Mangani, uyo akaroora tete vemumhan’ari, akanga aramba mhosva iyi asi ndokuzorovererwa neumbowo hwakaburitswa mudare.

Dare rakaudzwa kuti Mangani akabata chibharo muzukuru wake apo vaigara vose kumba kwake.

Vachipa mutongo uyu, Mai Chiwundura, vakatsinhira kukura kwemhosva iyi vachiti kutyora mutemo unobatanidza mhuri kunowedzera kuipa kwemhosva iyi.

Vanoti zviito zvakadaro zvinosiya mukana mudiki-diki wekunzwirwa tsitsi, sezvo zvichidzikisira chiremerera chemunhu akabatwa chibharo pamwechete nezvisungo zvekubatana kwemhuri.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *