‘Vana vanoda rutsigiro’

VABEREKI vanofanira kutsigira vana vavo zvakazara munyaya yedzidzo sezvo iri iyo musimboti weupenyu.

Vachitaura pakupihwa kwemibairo kuvana pachikoro cheShingirirai Primary School, kuMbare svondo radarika, Mai Frances Lawson, avo vanova director of students project paSt Georges College, vakati vana vanoda rutsigiro rwevabereki nevadzidzisi mufundo yavo.

“Ndapota vabereki, vakuru vemachechi pamwe nevanotungamirira zvirongwa zvakasiyana, tsigirai fundo yevana nekuti rume rimwe harikombe churu. Ngatibatanei pakusimudzira dzidzo yevana vedu vagokura vaine hunhu hunoyemurika,” vakadaro Mai Lawson.

VaNaboth Nhende, avo vanova mukuru wepachikoro ichi, vakatsinhira mashoko aya vachiti mwana wose anofanira kuwaniswa mukana wekudzidza akasununguka.

Mutevedzeri wavo, VaChristopher Hlatywayo, vakati dzidzo yemunyika muno, iyo yaita kuti Zimbabwe ive pamusoro pedzimwe nyika dzose muAfrica, inodadisa uye inofanira kuramba ichisimudzirwa.

Vakatenda vadzidzisi vepachikoro chavo nekuzvipira mubasa ravo.

Zuva iri rakaona chikoro ichi chichigashidzwa zviri pamutemo bhazi rinotakura vanhu 40 iro rakatengwa nesangano revabereki, reSchool Development Committee, pamwe nekuvhurwa kwelibrary ine makombuyuta 22.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×