ZVISINEI kuti Zimbabwe iri kuedza nepose painogona kuderedza huwandu hwevanhu vari kutapurirwa kana kurarama neutachiona hweHIV kuburikidza nekushandiswa kwemakondomu, pachine mukaha mukuru chaizvo panyaya dzekuchecheudzwa uye kuwaniswa kwemapiritsi emaAnti-retroviral Drugs (ARV) muvana.
Vachitaura pamusangano wakaitwa nesangano reNational AIDS Council (NAC) nevatori venhau kuChinhoyi svondo rapera, VaAmon Mpofu, avo vanove Monitoring and Evaluation Director kusangano iri, vakati vana vazhinji vari kukundikana kuwaniswa rubatsiro nekukasika nekuda kwekuti vabereki vavo vanenge vasingadi kubuda pachena.
“Kana mubereki achitya kuziva paamire zvinorevawo kuti mwana anorasikirwa neruzivo rwumwe chete. Zvakakosha kuti vabereki vanovhenekwa HIV vasati vatanga mhuri kuitira kuti vagoronga remangwana rakajeka.
“Pari zvino tine chikamu che63,4 percent chevanhu vakuru vari kutora mishonga yemaARV apo vana vari pa55 percent pachinzvimbo che85 percent yatiri kutarisira kunge tichibatsira,” vakadaro VaMpofu.
Vanoti munhu wose ane kodzero yekuziva paamire maringe neHIV asi nekuda kwemitemo iri munyika, hazvikodzeri kuti mwana ari pasi pemakore 18 ekuberekwa aende kunovhenekwa HIV asina muperekedzi akaita semubereki kana mumwe munhu mukuru.
VaMpofu vanoti kuburikidza nekugoverwa kwemakondomu gore negore pamwe nezvirongwa zvekuchecheudzwa, nyika yakave nekuderera kwehudzamhu hweHIV.
“Ongororo yakaitwa inoratidza kuti HIV inogona kuderedzwa nechikamu che60 percent kuburikidza nekuchecheudzwa pamwe nekushandisa dziviriro yekondomu nekuti hazvirevi kuti kana vanhu vachinge vachecheudzwa vanenge vava nepasipoti yekufamba vachiita bonde risina dziviriro. Nyika iri kutarisira kuchecheudza varume 1,3 miriyoni panosvika gore ra2017,” vakadaro.
Vanoti pari zvino varume vanosvika 400 000 vakatochecheudzwa pasi pechirongwa cheNational Voluntary Medical Circumcision.
“Dambudziko riripo nderekuti kunyangwe makondomu akawanda kwazvo ari kuendeswa kuvanhu, hapana tevedzo yakakwana yatingaite kuti tione kuti ari kushandiswa nemazvo here nekuti nyaya dzebonde dzinoitwa muchihwande.
“Rimwe dambudziko nderekuti vanhu vakawanda havazivi pavamire nokudaro tiri kuedza napose patinogona kuti vanhu vange vachinoongororwa ropa. Tine chinangwa chekusvika kuvanhu vane chikamu che85 percent. Izvi ndizvo zvinoita kuti vazhinji vanonoke kuwaniswa rubatsiro rwekurapwa nekuti vanenge vasingazive pavamire, kunyangwe munhu akanaka sei pachiso anofanira kunovhenekwa utachiona hweHIV,” vakadaro.
VaMpofu vanoti kugoverwa kuri kuitwa makondomu 104 miriyoni pagore muZimbabwe kunoratidza kuti munyika muno muri kuitwa bonde zvakaomarara uye chitori chitsvambe zvekare kuti vanhu vange vachinovhenekwa kuitira kuti varonge ramangwana rakajeka.



