Vana vechikoro vakabatsirwa

Malven Mugadzikwa —
CHIKWATA chevakambodzidza pachikoro cheSidakeni High School, kuZhombe East – cheSidakeni Old Students Association (SOSA) – chinoti zvakakosha kubatsira vana vanobva kumhuri dzinotambura kuitira kuti vawanewo dzidzo sevamwe.

Vachitaura vakamirira SOSA, VaPedzisai Trust Sibanda, vanoti vana vechikoro vasingawani zvakakwana vanofanira kubatsirwa.

VaSibanda vakataura mashoko aya mushure mekunge chikwata chavo chabatsira vana vane chitsama vepaSidakeni High nezvekushandisa pakudzidza zvakasiyana-siyana.

“Izvi ndaizvionawo pandaivawo kuchikoro, kuti vana vazhinji – kunyanya kumaruwa – vanotadza kusvika pavanofanira nenyaya yekuti vanenge vasina mabhuku akakwana kana zvinyoreso nezvimwewo. Ose matambudziko aya takaatora seSOSA, tikaronga kubatsira vana vepachikoro patakabva apa kuburikidza nekupa pachena kune avo vanoshaya,” vanodaro VaSibanda.

Vanoenderera mberi vachiti: “Izvi takazvizadzikisa kuburikidza nezvipo zvinosanganisira mabhuku, zvinyoreso, macalculator, mabhegi ekuisira mabhuku, masolar lantren ekuti vana vakwanise kuverengesa. Zvakare tiri kutarisira kupawo mibairo kuvana vanenge vagona muchikoro, zvemitambo nezvimwe.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *