Vana vowaniswa chenjedzo neyes

CHIRONGWA cheYouth Education through Sport (YES) Programme chiri kurumbidzwa zvikuru chichinzi chiri kubatsira vana vechikoro kuti vawane mukana wekupangana mazano pamusoro penyaya dzakaita sechenjedzo pakuchengetedza utano hwavo.

Muhurukuro naMelody Gwanungwa (16), uyo ari muForm 3 pachikoro cheYoung Africa College icho chiri kuEpworth, uyo anova mupakuri weruzivo (pear educator), anoti chirongwa ichi chiri kubatsira vana vechikoro zvakanyanya kuti vanzwisise maererano nezveutano.

“Chirongwa ichi chakaitirwa kuti isu vana vechikoro. Tinokwanisa kukurukura tiri vemazera mamwe tichinzwisisana nekupanana ruzivo. Tinoenda muzvikoro zvakasiyana tichiita makwikwi emadhirama nemadetembo ari pamusoro pekuchengetedza utano uye kuti vana vechikoro vazive pavamire maererano neHIV neAIDS nekuti vamwe vana vanozvarwa vainacho vamwe vanobatira chirwere ichi kubudikidza nemisikanzwa, vamwewo nekubatwa zvibharo,” akadaro Melody.

Akaenderera mberi achiti vari kupihwa ruzivo maererano nezveutano nebazi reutano nekurerwa kwevana rakabatana nesangano reSAFAIDS.

“Vanotidzidzisa kupararira kunoita zvirwere zvepabonde, vachitifundisa zvakare ruzivo rwatinopa kuvana vechikoro kuti vachecheudzwe kuitira kuderedza kupararira kwezvirwere zvepabonde, HIV neAIDS uye kuti vasaenda pabonde vasati vapinda muwanano,” akadaro Melody. Pachikoro chedu mwedzi wega-wega veNew Start and Counseling Centre vanouya kuzokurukura nesu pamusoro peHIV neAIDS vachitikurudzira kuti tizive patimire maererano nedenda iri.”

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×