‘Vatambi vetsiva vokanga waya’

SHASHA yakambonetsa mumutambo wetsiva, Alfonso ‘Mosquito’ Zvenyika, svondo rino akachema-chema zvikuru nekushaikwa kwerutsigiro rwemutambo uyu kubva kuHurumende.

Zvenyika akataura mashoko aya muHarare paikorokotedzwa Charles Manyuchi nekuchengetedza kwaakaita bhande rake reWorld Boxing Council Welterweight Champion apo akarwa ndokukunda Devis Cassares wekuColombia mumutambo uyu kuZambia nguva pfupi yadarika.

Zvakadaro, Zvenyika anoti zvinopisa tsitsi kuona rutsigiro runopihwa Manyuchi kuZambia nezvizvarwa zveko izvo zvinosiyana nemaonerwo aanoitwa muZimbabwe.

“Zvinogumbirisa zvikuru nekuti vanhu vanofanirwa kunge vachimirira zvichemo zvedu vanove vebazi rezvemitambo, tsika nemagariro vari kungonzvenga-nzvenga pasina zvavari kuita,” akadaro.

Akaenderera mberi achiti vatambi vetsiva vazhinji vari kurarama hupenyu hwegwaku-mukwaku sezvo vari kushaya rutsigiro kunyangwe hazvo vanenge vachimirira Zimbabwe apo vanokwikwidza kunze kwenyika.

Mosquito mumwe wevatambi vakanetsa zvikuru mumutambo wetsiva uye akambokwanisa kuhwina mabhande akawanda, kusanganisira eCommon-Wealth kaviri izvo zvakamuona achisumudza mureza wenyika.

“Mutambo wetsiva uyu unorema zvikuru uye unorwadza, isu patinenge tichirwa kunze uko tinenge tichimirira nyika yese zvino mukasaita hanya nekuzvicherechedzawo munenge mauraya mutambo wacho,” akadaro.

Zvakadaro, munyori wesangano reZimbabwe Boxing Board of Control, Gilbert Munetsi, svondo rino akaramwa basa achitsutsumwa nekuda kwekushaikwa kwerutsigiro rwemutambo uyu kubva kuHurumende.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×