Vanasikana vechikoro vobatsirwa

Kingstone Mapupu

SANGANO reSparkRead Trust rinoti riri kubatsira vanasikana vanobva kumhuri dzinotambura avo vari kuita zvidzidzo zvesainzi mugwaro reFomu 6 panguva iyo nyika yakatarisana nekurwisana nechirwere cheCovid-19.

VaAdvance Mtetwa vanoti sangano iri rakavambwa mugore ra2014 nechinangwa chekusimudzira budiriro yevanasikana pamwe chete nemadzimai.

“Zvikoro zvanga zvakavharwa kubva mumwedzi waKurume madzimai nevana vagere kudzimba apo sangano redu raivabatsira nechikafu nezvimwe kuti vakwanise kurarama munguva yekurwisa Covid-19. Zvino zvikoro zvatanga kuvhurwa nekudaro vana ava takavasimbisa kuti vadzokere kuchikoro vakazvipira kuti vagonobudirira pabvunzo dzavo dzekupera kwegore. Tinovaita kuti vave nehushingi vosiya mweya wekugara uko vanga vakaita kudzimba,” vanodaro VaMtetwa.

Vanoenderera mberi: “Tinoshandira munzvimbo dzinosanganisira Budiriro, Glen View, Epworth, Glen Norah, Mbare neWarren Park tichibatsira vanasikana vari kuita A-Level kusvika yunivhesiti nekuvabhadharira mari dzechikoro nezvimwe zvinodiwa mudzidzo yavo.”

Sangano ravo, vanodaro, rinobatsirawo vanasikana kuti vasashungurudzwe nenzira dzakasiyana.

“Tine nyanzvi dzinodzidzisa vanasikana ava pamusoro pekodzero dzavo kuitira kuti vasashungurudzwe kana kudzimba uyewo nematambudziko akaunzwa nekuda kweCovid-19,” vanodaro VaMtetwa.

Vanoti vari kushandawo pakusimudzira madzimai kuti vatange mabhindauko anosanganisira kurima mumapindu vachitengesa nechinangwa chekuti vawane raramo.

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×