Vanasikana vosimudzirwa . . . First Lady vakaparura mabhezari

Tendai Rupapa
VANA vechikoro vesekondari vanosvika 100 vachabatsirwa nechirongwa chakavambwa nemudzimai wemutungamiri wenyika Amai Auxillia Mnangagwa avo vakawanisa mabhezari kuvanasikana vari kumatunhu gumi enyika.

Amai Mnangagwa vakazivisa nezvechirongwa ichi svondo rapera pazuva rekuvhurwa zviri pamutemo kweNational Girls Camp kuLake Chivero, muHarare, chinova chirongwa chavakaita kuburikidza nesangano ravo reAngel of Hope Foundation.

Mabhezari aya ane donzvo rekuderedza kuroorwa kwevana vasati vabva zera nekuona kuti vanasikana vawaniswa dzidzo yakakwana.

Chirongwa chekugara mukembi ichi chichaita kuti vanasikana vawane nguva yekukurukura maringe nenzira dzinosimudzira raramo yavo pamwe nekupangwa mazano nenyanzvi.

“Chirongwa ichi chine musiyano nekuti chine chinangwa chekusimudzira dzidzo yemwanasikana uye vachange vachikurukura nevanhu vari mumakambani akasiyana pamwe chete nenyanzvi vachiwana ruzivo.

“Saamai venyu, ndinoda kukuonai mose muchikura muchiita vanhukadzi vane budiriro nehunhu,” vanodaro Amai Mnangagwa.

Vanoti mushure mechirongwa ichi, vanotarisira kuti mumwe nemumwe wavo ange achitungamirira vamwe vanasikana mumatunhu ose enyika.

“Ndinovimba kuti mwanasikana mumwe nemumwe anofanira kuwaniswa mukana wekudzidza mabasa akasiyana kuitira kuti aite zvinhu zvose nemazvo,” vanodaro.

Chirongwa ichi, vanodaro Amai Mnangagwa, chichabatsira zvakare vanasikana kuti vakwanise kurwisa zvinhu zvinovadzikisira mukurarama kwavo.

Vanoti vanasikana vacharatidza zvipo zvavo vachawaniswa mibairo.

Vakapinda muchirongwa ichi vakasarudzwa kuburikidza nemahofisi ebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari ari kumatunhu aakasiyana enyika.

Gurukota rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti zvirongwa zvaAmai Mnangagwa zvakakosha zvikuru mukusimudzira nyika kuburikidza nekuumba hunyanzvi muvanhukadzi.

Sithokozile Shonhiwa (16) wekuMinda High School, kuMatabeleland South – uyo anove nherera – mumwe wevakasarudzwa kuti vawane mabhezari aya uye anoti achadzidza nemwoyo wose kuti abudirire.

Nokutenda Mutsutsururu (14) wekudunhu reMashonaland East akasvimha misodzi yemufaro mushure mekusarudzwa kuti ange achibatsirikana pasi pechirongwa chemabhezari ichi.

Akavimbisa kuti achashanda nesimba kuti agobudirira mufundo yake.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×