‘Vandudzai zvidzidzo zveSainzi’

Daphne Machiri
MUNYORI mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Sylvia Utete-Masango, vanoti zvakakosha kuvandudza zvidzidzo zveSainzi kuitira kuti nyika ibure nyanzvi dzakasiyana idzo dzinobatsira mukusimudzira budiriro yenyika.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika apo vaimema zvimwe zvezvikoro zvavakasarudza kuti zviwaniswe rubatsiro rwunosanganisira kuvakirwa malaboratory nekupihwa midziyo yekushandisa muzvidzidzo zvesainzi nekambani yeW2 Industries.

Zvimwe zvezvikoro zvakawaniswa rubatsiro urwu zvinosanganisira John Cowie Primary yekwaMakoni, kuManicaland, iyo yakapihwa Mobile Science Laboratory neDaramombe Secondary iri kuChivhu, kuMashonaland East, iyo yakavakirwa laboratory.

Dr Utete-Masango vanoti zvakakosha kuvandudza zvidzidzo zvesainzi sezvo izvi zvichibatsira pakuti nyika ibure vanachiremba nanamazvikokota vesainzi (scientists).

“Vana ava ndivo vatungamiri vemangwana naizvozvo vanoda kupihwa dzidzo yakakwana. Tinotenda nerubatsiro ruri kupihwa nekambani yeW2 Industries mukuvandudza zvidzidzo zvesainzi. Izvi zvinoita kuti nyika ibure nyanzvi dzakadai sanachiremba, mascientists nevanogadzira ndege,” vanodaro Dr Utete-Masango.

Vanokurudzira zvikoro kuti zvitsvage mabhindauko ekuita ekuti zviwanewo mari yekusimudzidza fundo.

“Zvikoro musamirire Hurumende chete, handiyo inobatsira yoga asi kuti zvikoro zvinofanirawo kutsvaga nzira dzekuzvisimudzira nazvo kubudikidza nemakomiti eSchool Development Committee,” vanodaro.

Vachitaura vakamirira W2 Industries, VaWellington Makonese, vanoti donzvo ravo nderekuvandudza zvidzidzo zvesainzi.

“Ndafamba nyika dzakawanda dzinosanganisira India, China nedzimwe dzemuAfrica ndizvo zvaita kuti tive nechido nevana vechikoro. Tichange tichipa mabhezari kuvana vanenge vapasa zvidzidzo zvesainzi paO- neA-Level kusvika kuyunivhesiti,” vanodaro.

“MuZimbabwe, tinoda kuti zvikoro zvese zvikwanise kuve nemalaboratories zvisinei nekuti ndezvemumadhorobha here kana kumaruwa,” vanodaro VaMakonese.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *