Vanhu 100 vafa mutsaona dzemumigwagwa

Munyori weZimpapers

TSAONA dzemumigwagwa dzakawedzera kakapetwa kaviri munguva yezororo rino ra2025 izvo zvaona vanhu 100 vachifa mutsaona dzinosvika 2 412 idzo dzakaitika kubva musi wa15 Zvita kusvika musi wa26, sekutaura kwemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP).

Huwandu hwevanhu vafa uhu hunotaridza kuwedzera kwakanyanya kana zvichienzaniswa nevakafa muna2024, apo pakaitika tsaona 1 211 ndokufa vanhu 77.

Gore rino, kusvika parizvino, vanhu 471 vakuvara mutsaona kana zvichienzaniswa ne401 vegore rapera.

Mapurisa anoti vanhu vanenge vakatakurwa mudzimotokari nevanofamba netsoka ndivo vari kunyanya kukanganisika netsaona idzi.

Izvi zvaona vanhu vanenge vakatakurwa mudzimotokari vanosvika 44 nevanofamba netsoka 37 vachifa.

Vatyairi vakafa mutsaona vanosvika gumi, vemudhudhudhu vana (4), vemabhasikoro vatatu uye vengoro vaviri.

Tsaona yakanyanya kuipa yakaitika nemusi wa17 Zvita pachinhambwe che185-kilometre peg mumugwagwa Harare–Nyamapanda pedyo neSuswe, apo Honda Fit yaive yakatakura vanhu 10 yakabonderana negonyeti.

Vanhu 10 vose vaive muHonda Fit iyi vakafa.

Ongororo yakaitwa nemapurisa inotaridza kuti tsaona zhinji dziri kukonzerwa nekumhanyisa motokari zvakadarikidza uye kutyaira kusina hany’a.

Related Posts

Kawara adzoka mudariro na‘Ndokekutanga’

Zvikomborero Parafini MUSHURE memakore ane chitsama achidakadza voruzhinji muZimbabwe nenziyo dzerudo dzinobata mwoyo, Alexio Kawara, adzoka zvine mutsindo — asi panguva ino, ari kutarisa nyaya dzerudo nemaziso emunhu akura uye…

Mwana (2) ane gomarara otsvaga rubatsiro

Kingstone Mapupu MHURI inogara mumusha weDema Phase 3, kwaSeke inoti iri kutsvaga rubatsiro rwemwana wemakore maviri okuberekwa uyo akazvimba musoro nekuda kwechirwere chegomarara. Mwana uyu, Kupakwashe Nyemba, atambura nekuda kwechirwere…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *