Vanhu 3 vemhuri imwe vayeredzwa nemvura vari mungoro

Kingstone Mapupu

VANHU vatatu vemhuri imwe, kusanganisira amai nemwana wavo, vakafa mushure mekuyeredzwa nemvura vari mungoro apo vaizama kuyambuka rwizi Sebakwe urwo rwaive rwakazara kuKwekwe nguva pfupi yadarika.

Tsaona iyi yakaitika nemusi wa25 Ndira mumugwagwa weMopani- Lozani kuKwekwe.

Vakashaika ndiNomatter Denhere (20) nemwana wake, Gotore Tatenda, uye naTrymore Ngwenya (34) vose vaibva kupurazi reLozani kuKwekwe.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Everson Phiri (36) naClever Nyongani vakakwanisa kushambira ndokubuda kunze kwerwizi apo vamwe vatatu ava vakayeredzwa vari muchikochikari ndokufa.

“Mhuri iyi yaiva muchikochikari kuchinaya ndokunoedza kuyambuka rwizi rwaSebakwe rwaiva ruzere apo chikochikari chakatorwa nemvura vari mukati. Everson Phiri naClever Nyongani vakakwanisa kushambira ndokubuda mumvura apo vamwe vatatu ava vakabva vayeredzwa vari mukati mechikochikari,” vanodaro Insp Mahoko.

Phiri akazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Insp Mahoko vanoti mutumbi waNgwenya wakazowanikwa zuva rakatevera wakapaikira pakati pemiti murwizi rwaSebakwe.

Mutumbi waDenhere newemwana wake haisati yawanikwa uye mapurisa eSub Aqua Unit ari kubatsirana nemamwe mapoka kuitsvaga.

“Semapurisa, tinoramba tichikurudzira veruzhinji kuti vasayambuke nzizi dzakazara nekuti vanoyeredzwa kana kudyiwa nemakarwe nezvimwe zvikara zvinowanikwa munzizi. Tinoti upenyu ishongakamwe, ukafa haudzoke,” vanodaro Insp Mahoko.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *