‘Vanhu regai kuvarairwa’

Abel Ndooka

MUIMBI wemusambo weChimurenga — Norest “Mambo Chingaira Makoni” Magede — anokurudzira veruzhinji kuti vasavarairwe vachifunga kuti Covid-19 hakuchisina, asi kuti varambe vachitevedzera matanho ose akatarwa neHurumende pamwechete nesangano reWorld Health Organisation (WHO) ekudzivirira denda iri.

Mambo Chingaira Makoni —uyo anove mwana wemukoma wemushakabvu, Cde Dickson “Chinx” Chingaira — anoti zvakakosha kuti veruzhinji vazvidzivirire kubva kuchirwere ichi kuburikidza zvakare nekubaiwa majekiseni.

“Isu tose sezvizvarwa zvemuZimbabwe tine basa guru rekubata mukuona kuti tarwisa Covid-19 kusvika yapera. Kuti zvikwanisike kuitika, tinofanirwa kuramba tichitevedzera mitemo yose iripo yekurwisa denda reCovid-19 kuitira kuti chirwere ichi chisarambe chichinyuka.

“Izvezvi kune chirongwa chekubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19, ngatiite mudungwe kuenda kunobaiwa tizvidzivirire tisape chirwere ichi mukana wekuramba chichinyuka, tichirwise chipere zvachose,” anodaro.

Mambo Chingaira Makoni anoti vanhu vane mukurumbira vanoita mabasa akasiyana — vangave vaimbi, vemadhirama kana vanamuzvinabhizimisi — vanofanirwa kutungamira panyaya yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 sezvo zvichibatsira mukukurudzira veruzhinji kuti vetevere mumatsimba avo.
“Isu sevaimbi tiri kufanira kutora chikamu chikuru mukushambadza nekukurudzira veruzhinji kuti vaende kunobaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19.

“Veruzhinji vanotevera zvikuru zvatinoita saka naizvozvo tikaonekwa tichinobaiwa, vanoteverawo. Saka handei nehuwandu hwedu tirwise chirwere ichi,” anodaro.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×