Vechidiki vodzidziswa nezveCovid-19

Muchaneta Chimuka

VECHIDIKI vari kumativi mana enyika vobatsirika zvikuru kuburikidza nechirongwa chepadandemudande (WhatsApp Group) apo vari kuwana chenjedzo maringe nenyaya dzekurwisa mhirizhonga pakati pavo uye matanho avangatora mukurwisa chirwere cheCovid-19.

VaAdvance Mtetwa (30) – avo vanoshanda nevana vanobatsirwa nemasangano akasiyana – kusanganisira vari mumisha inochengetwa nherera, vanoti pari zvino vari kupa zvidzidzo zviri maringe nenyaya idzi kune vechidiki kuburukidza neWhatsApp Group yavakavhura.

“Zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19, takaona kuti nyaya dzekushanyirana nevana kumizinda yavanochengetwa dzinogona kukonzera kupararira kweCovid-19 saka tiri kuvafundisa kuburikidza neWhatsApp apo tinotumira mashoko echenjedzo echirwere cheCovid-19 uye kuti vangachidzivirira sei,” vanodaro.

VaMtetwa vanoenderera mberi vachiti, “Muzvidzidzo izvi, tinonyanya kubata nyaya dzemhirizhonga idzo dzinokonzerwa nekusaenzaniswa kwemikana, kodzero dzeutano hwepabonde,  kurwisa nyaya dzekutora zvinodhaka, kushungurudzana kunoita vanhu pamasai-sai eindaneti uye chirwere cheCovid-19.”

Vanoti vanoshanda zvakare nemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) anosanganisira vekuGlen View Police Station, muguta reHarare pasi pechirongwa chinodaidzwa kunzi Junior Call vachirwira kodzero dzevana.

“Kuburikidza neWhatsApp Group randakavhura iri,  vechidiki vese vakasununguka kupinda nekuti riri kuratidza pundutso richivabatsira vari kwavari. Tiri kufundisa vana kuti Covid-19 inorevei, yakabva nekupi uye kuvakurudzira kuti vaye vane makore 18 zvichienda mberi vange vachinobaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19. Vamwe vakatouya nemakadhi avo vachitiratidza kuti chokwadi vakabaiwa,” vanodaro VaMtetwa.

Vanoti vanoshanda nemasangano anorwira kodzero dzevana ari kumatunhu akasiyana-siyana enyika.

“Tinoshanda nevana vari mumatunhu ese enyika uye tichishanda nemasangano anorwira kodzero dzavana. Vabereki pamwe nevana vari kufarira chirongwa ichi nekuti chiri kubatsira kuti vasarasikirwe nemashoko, zvikuru sei ari maringe nedenda reCovid-19,” vanodaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×