Tandayi Motsi
HURUMENDE inoti kuwanda kuri kuita nyaya dzevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 kuri kukonzerwa nekushaya hanya nekutevedzera matanho aripo ekudzivirira kupararira kwedenda iri munharaunda nemumabasa.
Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti vabati zvezvemitemo vachange vachisimbaradza mabasa avo nechinangwa chekuona kuti veruzhinji vari kutevedzera matanho ekurwisa chirwere ichi.
“Kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere ichi kuri kunyanya kukonzerwa nekusatevedzerwa kwematanho ekudzivirira kupararira kwedenda iri zvose munharaunda nemumabasa,” vanodaro.
Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti,”Nyika inoziviswa kuti kuchange kuine kushanda pamwe chete kwevabati vezvemutemo nedonzvo rekuona kuti mitemo mitsva yekudzivirira kupararira kweCovid-19 yatevedzwa nemazvo, kunyanya kunzvimbo dziri kunyanya kunetsa denda iri.”
Vanoti zvichitevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa neCovid-19, Cabinet yakatora danho rekuti Vehicle Inspection Depot (VID) neZimbabwe Republic Police (ZRP) vasimbaradze mabasa avo panyaya yekuona kuti mabhazi ari kutakura vafambi pakati pemaguta nemadhorobha akanyoreswa pasi pekambani yeZUPCO sezvinodiwa nemutemo.
“Nyika inoziviswa zvakare kuti zvichitevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nedenda iri, chikamu chinoona nezvekufambiswa kwemashoko cheRisk Communication and Information Sub-committee chichapa mashoko echenjedzo pamusoro pekukosha kwekuti veruzhinji vazvidzivirire kubva kudenda iri munyika yose. Chenjedzo iyi ichanyanya kupihwa kunzvimbo dziri kunyanya kunetsa chirwere ichi dzinosanganisira Kariba, Hurungwe neKwekwe,” vanodaro Sen Mutsvangwa.
Nyaya dzevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 uye nevari kufa dziri kuramba dzichiwanda kubvira svondo radarika.
Kusvika nemusi weMuvhuro svondo rino, vanhu 42 714 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera denda iri mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.
Pavarwere ava, 37 288 vakatopona asi vamwe 1 691 vakafa.
Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 706 158 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzvirira chirwere cheCovid-19 apo 440 220 vange vabaiwa repiri (2nd dose).




