Vanhu vari kufa

Tandayi Motsi

HUWANDU hwevanhu vari kufa neCovid-19 muZimbabwe huri kuramba huchikwira apo Hurumende iri kuzama nepose painokwanisa kuedza kumisa kupararira kwechirwere ichi.

Kusvika nemusi weChipiri, vanhu 551 vange vafa neCovid-19 munyika yose kubvira pakatanga chirwere ichi muna Kurume wegore rapera.

Magwaro ebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kusvika musi uyu, vanhu 23 239 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 munyika muno.

Pavarwere ava, 13 396 vakatopona uye musi uyu bedzi, vanhu 23 vakafa.

“Kusvika nemusi wa12 Ndira 2021, Zimbabwe yange yave nevanhu 23 239 vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa apo 13 396 vakatopona, asi vamwe 551 ndokufa,” rinodaro bazi iri.

Dunhu reHarare ndiro rine vanhu vakawanda vane chirwere ichi vanove 8 131 apo 191 vakafa.

Bulawayo iri pechipiri nevanhu 4 101 vawanikwa vaine Covid-19 uye 127 vakatoshaya.

Mashonaland Central ndiyo ine vanhu vashoma vabatwa vaine denda iri vanove 816 asi vamwe 21 vakafa.

Hurumende iri kutora matanho akasimba ekurwisa kupararira kweCovid-19 ayo anosanganisira kuti veruzhinji vagare kudzimba kwemazuva 30 asi vanoita mabasa akakosha chete ndivo vari kutenderwa kuramba vachishanda.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×