‘Vanhukadzi koshesaiwo mitambo’

Daphne Machiri
VANHUKADZI vari kukurudzirwa kuti vapinde mumitambo yakasiyana sezvo kunze kwekusimbisa miviri, izvi zvichivaita kuti vawane chouviri.

Mashoko aya akataurwa negurukota reHurumende rinomiririra dunhu reMashonaland East, Cde Apolonia Munzverengwi, nguva pfupi yadarika apo vaiva muenzi anoremekedzwa pamakwikwi eWomen and Girls Sports Festival ayo akaitirwa kwaMutoko.

“Vanhukadzi mukana makapihwa, ngatiwanikwei tichimira-mira tichiita mitambo yakasiyana kunyanya iyo inonzi ndeyevanhurume yakaita semijaho, gorufu, tenisi nemimwe. Ngatiwanikwe tichiendawo pamberi kuti titungamire mitambo iyi kuti zviunze ruremekedzo kwatiri vanhukadzi,” vanodaro.

Cde Munzverengwi vanoendeerera mberi vachiti, “Mitambo inokosha nenzira dzakasiyana, kune rimwe divi inokupa chouviri muupenyu hwako uye ichitibatsira kuchengetedza utano nekusimbisa miviri.”

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Eugenia Chidhakwa avo vanove director mubazi revechidiki, mitambo nezvekutandara vachiti zvakakosha kusimudzira vanhukadzi vane zvipo zvemitambo.

“Ngatikoshesei zvemitambo, hazvina zera uye isu takasunguka kusimudzira nharaunda dzose zvakare, kunyanya vane matarenda akasiyana. Kune vamwe vari kuwana chouviri kuburikidza nezvemitambo,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *