Vanodarika 14 000 vafa

Muchaneta Chimuka
SANGANO reWorld Health Organisation (WHO) rinoti kusvika musi weMuvhuro svondo rino, vanhu vanodarika 14 000 vange vafa pasi rose nekuda kwechirwere checoronavirus uye vamwe vanopfuura 340 000 vabatwa nacho.

Kusvika pari zvino Zimbabwe ine vanhu vatatu vaonekwa vaine Covid-19 uye mumwe chete wavo akatofa.

Ongororo yakaitwa neWHO inoratidza kuti vanhu 340 000 vakaonekwa vaine utachiona hweCovid-19 pasi rose uye vanodarika 14 000 vakarasikirwa neupenyu.

MuZimbabwe, bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kuramba richizivisa veruzhinji kuti vangwarire chirwere ichi.

Bazi iri rinoti zvakakosha kuti vanhu vachengetedze utano kuburikidza nekugeza maoko nesipo uye nemvura inomhanya, kuvhara muromo pakukosora nekuhotsira nekuregedza kubata vanhu vanenge vachirwara.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *