Vanofambisa manyepo paSocial Media hokoyoyi!: ZRP

Arron Nyamayaro

MAPURISA ari kupa yambiro yakasimba kune vanhu vane mukurumbira nevamwewo veruzhinji kuti vasafambise mashoko asiri echokwadi padandemudande reSocial Media.

Izvi zvinotevera nyaya yemumwe munhu ane mbiri padandemutande anogara kuSouth Africa, Norma Nyce, uyo anozivikanwa saMai Jordina.

Akashoropodzwa zvakanyanya zvichitevera mashoko aakatumira padandemutande ekuti haana kubatwa zvakanaka nevashandi vebhazi vekambani yeCAG apo aibva kuHarare achienda kuChegutu.

Pakutanga akati vashandi vekambani iyi havana kumubata zvakanaka, asi zvikazoonekwa kuti bhazi iri raive reimwe kambani.

Achibvuma manyepo aaive ataura, Mai Jordina anotsanangura achiti: “Ndakafunga kuti raive bhazi reCAG sezvo ndiro randinogara ndifamba naro, kusvikira ndatambira nhare kubva kune mumwe wemadirector eCAG mushure mekunge ndatumira mashoko angu padandemutande

izvo zvakaita kuti ndizive kuti ndaive ndakanganisa. Zvakabuda kuti bhazi iri randakange ndiri chikamu chekambani dzinoshandidzana.”

Zvichitevera chiitiko ichi, mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanosimbisisa kukosha kwekuti vanhu vamhan’are kutadzirwa kwavanenge vaitwa vachitevedza gwaro rinodiwa pane kugunun’una vachishandisa dandemutande.

“Hazvisi pamutemo kushandisa dandemutande kugadzirisa zvinenge zvichinetsa kana kumhan’ara. Tinokurudzira vanhu, kusanganisira vane mukurumbira, kuti vaende kumapurisa kuti vabatsirwe,” vanodaro.

Mune imwewo nyaya, mumwe munhu wekuBorrowdale, muHarare akatumira mashoko kuCAG, achiti ane umbowo hunotaridza mabhazi ekambani iyi aikwikwidzana kumhanya pamugwagwa.

Munhu uyu akati aikwanisa kukanda vhidhiyo racho padandemutande kana asina kuwana mashoko ari pamusoro penhare kana kuti kunowanikwa vakuru-vakuru vekambani iyi.

Yambiro yeZRP inotaridza tsekwende inokwanisa kuwira vanhu vane katsika kekungokanda mashoko, kusanganisira mavhidhiyo, ezvinhu zvavasina chokwadi nazvo paSocial Media.

Veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vangwarire pamusoro pezvinhu zvavanotumira padandemutande sezvo zvimwe zvacho zvichigona kukanganisa vamwe vanhu kana kukonzerawo kusagadzikana kwezvinhu.

Related Posts

Shingai Dance Troupe hwapu mukombe weChibuku Neshamwari

Muchaneta Chimuka CHIKWATA cheShingai Dance Troupe chemudunhu reHarare, icho chakaratidzira hunyanzvi mumutambo wembakumba, ndicho chatora mukombe pamakwikwi eChibuku Neshamwari Traditional Dance National Final ayo aitirwa muHarare Gardens nomusi weMugovera wadarika.…

ZCC eridha hutu nemudzimai wemuridzi

Lovemore Kadzura   MUMWE eridha wechechi yeZion Christian Church (ZCC) kwaMakoni, kudunhu reManicaland anonzi akatiza nemudzimai wemunhu uye gure iri rakazofumuka mushure mekunge vaviri ava vambogara vese kwemwedzi miviri vari kumafura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×