Vanoita tsvakurudzo vakakosha: rcz

Malven Mugadzikwa
SANGANO reResearch Council of Zimbabwe (RCZ) rinoti vanoita tsvakurudzo muzvikoro nekumabhizimisi madiki neari pakati nepakati vane basa guru mukuvandudza upfumi hwenyika pamwe nemagariro evanhu akanaka.

Executive director weRCZ, Mai Susan Muzite, vanoti sangano ravo richaita musangano mukuru munguva pfupi iri kutevera nechinangwa chekubatanidza vanoita tsvakurudzo kubva kuzvikoro, makambani nemamwe mapoka.

Musangano uyu unotarisirwa kuitwa kubva nemusi wa13 kusvika 15 Kukadzi 2019.

“Sesangano, tiri kuti vanoita zvetsvakurudzo vanofanira kuwana mukana wekushanda pamwe chete vachipangana ruzivo rwetsvakurudzo dzavari kuita dzakasiyana-siyana. Musangano watakaronga wegore rinouya uyu ndiwo mukana watiri kupa vadzidzi kubva kumayunivhesiti, vemabhizimisi ari pakati nepakati neayo makuru uye nyanzvi dzetsvakurudzo kubva kune dzimwe nyika kuti varatidzire tsvakurudzo dzavo pamwe nekupangana mazano,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Chinangwa chikuru chemusangano uyu kuti nyika yedu ivandudzike munyaya dzeupfumi, sainzi pamwe nekuvandudzwa kwemagariro evanhu munharaunda dzakasiyana.”

Mai Muzite vanoti tsvakurudzo yakakosha sezvo ichibatsira munyaya dzakasiyana dzinosanganisira kutsvaga nzira dzekusimudzira upfumi hwenyika.

“Pamusangano uyu zvakare tiri kupa mukana kune vanoita tsvakurudzo kuti vape pfungwa dzekuti nyika yedu ivandudzewo nzira dzetsvakurudzo dzinoenderana nepasi rose uye kuti ive nanamazvikokota vetsvakurudzo vemhando yepamusoro vanokwanisawo kuita tsvakurudzo chero kunze kwenyika,” vanodaro

Mai Muzite vanoti seRCZ, vari kutarisirawo kuti musangano uyu uchashanda senzira yekuumba ruzivo rwunovandudza upfumi hweZimbabwe.

“Vemabhizimisi madiki neari pakati nepakati tiri kuvakurudzira zvakanyanya kuti vauye sezvo vari ivo vanobata upfumi hwenyika zvakanyanya. Saka vakadzidza kubva kutsvakurudzo dziri kuitwa dzemabhizimisi vanobatsirwa mukusimudzira nyika yedu,” vanodaro.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *