Vanorarama nehusope votaura

Daphne Machiri

SANGANO rinorwira kodzero dzevanhu vanorarama nehusope, reAlbino Trust of Zimbabwe, riri kuita zvirongwa zvekuvandudza raramo yavo izvo zvinosanganisira kuumbiridza mhuri nechinangwa chekuti vagare zvakanaka munharaunda dzavo uye pasina rusarura.

Mutungamiriri wesangano iri, Bruce Nyoni, anoti rakavambwa nevechidiki nedonzvo rekurwira kodzero dzavo.

“Mukushanda kwedu nemapazi eHurumende pamwe nemakambani, tiri kukwanisa kuwaniswa zvakadai semafuta ekuzora ayo anodzivirira kutsva kweganda nezuva izvo zvinogona kukonzera zvirwere zvinosanganisira gomarara reganda,” anodaro.

Nyoni anoenderera mberi achiti, “Tiri kuitawo zvirongwa zvinosanganisira kuumbiridza mhuri kuti mhuri dzine vanorarama nehusope pamwe chete nehama dzavo nevamwe vemunharaunda vakwanise kunzwisisa maererano nehusope uye kuti vavagamuchirewo sevanhu vakangofanana naivo.”

Anoti sangano ravo riri kushandawo nemapoka anosanganisira Population Service International (PSI) nedonzvo rekusimudzira utano hwevanhu vanorarama nehusope.

“Vanhu vanorarama nehusope vanodawo ruzivo rwunosanganisira kudzivirira utachiona hweHIV neAIDS,” anodaro Bruce.

“Vanodawo zvakare kuwaniswa nzira dzekuronga mhuri semakondomu nemapiritsi ekudzivirira kubata pamuviri. Ndinorangarira rimwe zuva ndiri pachipatara cheChitungwiza Central Hospital apo makondomu aipihwa pachena. Ndaiva nemumwe wangu uye patakaenda kunoatora vamwe vanhu vakatanga kutaura vakatitarisa.

“Izvi kwandiri zvakaratidza rusarura rwekuti kune vamwe vane pfungwa yekuti pamwe vanorarama nehusope hatiite bonde, asi takangofanana nevamwe vanhu vose,” anodaro Nyoni.

Anoti vanasikana vanorarama nehusope vanodawo zvekushandisa panguva yavo yekutevera.

“Chinangwa chedu chikuru ndechekuti Zimbabwe izive kuti vanhu vane husope vanowanikwa pakati pavo,” anodaro Nyoni.

 

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×