Vanotambira $2 000 havachabvisa mutero

Tandayi Motsi

GURUKOTA rezvemari Professor Mthuli Ncube nemusi weChina chino vakatura hurongwa hwemari yebhajeti regore rinouya izvo zvakaona mari yemutero (tax) isingabatirwe vashandi pamuhoro wavo ichiwedzerwa kubva pa$700 kusvika $2 000.

Hurumende yakatora danho iri nechinangwa chekuti vashandi vawane mari yakawanda yavanosara nayo.

Mari yevashandi yebhonasi isingabatwe mutero zvakare yakawedzerwa kubva pa$1 000 kuenda pa$5 000 kutanga mwedzi uno.

Mubhajeti iri, Hurumende yakatora matanho akatsaukana nedonzvo rekurerutsa raramo yeveruzhinji.

Hurumende ichange ichibatsira nemari yekututsira mukugadzirwa kwezvimwe zvinhu zvinosanganisira hupfu nemafuta ekubikisa kuitira kuti zvive nemitengo yakareruka inokwaniswa neveruzhinji.

Pamusoro pezvo, vanhu vanodarika 7 miriyoni vachange vachibatsirwa neHurumende nezvekudya munyika kusvika munaKurume gore rinouya.

Nechinangwa chekuti veruzhinji varerukirwe pakufamba, kuburikidza nemabhazi eZupco, Hurumende icharamba ichitenga mamwe mabhazi kubva kunze kwenyika.

Mamwe makambani emabhazi, kutanga munaNdira gore rinouya, achange ave kubvumidzwa kupinza mabhazi aanenge atenga kubva kunze anosvika mashanu nemutero wakaderera wechikamu che5 percent.

Donzvo nderekuti mabhazi awande munyika uye veruzhinji vakwanise kufamba nzendo dzavo pasina kusangana nematambudziko.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *