‘Vanozvishandira imbomirai kuvhura’

Munyori weKwayedza

CHIKAMU chevanoita mabasa emaoko ekuzviraramisa ayo anosanganisira kutengesa zvakasiyana hachisati chave kutenderwa kushanda nekuda kweCovid-19 mushure mekunge dare guru reHigh Court ratonga kuti ngachimboramba chakavharwa uye kuti vamwe vanoita mabasa akakosha vachitanga kushanda vachitevedzera zvisungo zvekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Mutongo uyu unotevera nyaya yakakwidzwa kudare iri nemasango anoti reZimbabwe Chamber for Informal Workers Association (ZCIWA) nePassenger Association of Zimbabwe (PAZ) akabatana nemumwe mugari wekuChitungwiza, VaConstantine Chaza, avo vaida kuti dare iri riite kuti Hurumende itendere chikamu chevanozvishandira vanosanganisira vanotengesa miriwo kuti vachitanga mabasa avo pasina anovadzivisa.

Masangano aya anoti zvakare kurambidzwa kwakaitwa vemakombi kuti vatakure veruzhinji asi kuchibvumidzwa mabhazi eZUPCO chete inzira yerusarura.

Pamusoro pezvo, masangano aya anoenderera mberi achiti danho rakatorwa neHurumende rekuti veruzhinji vasangofamba-famba senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19 kutyora kodzero dzevanhu dzekuti vafambe vakasununguka.

Nerimwewo divi, Hurumende inoti kubvumidzwa kushanda kwezvikamu zvakasiyana-siyana kuri kuitwa danho nedanho uye haina pfungwa yekurambidza chikamu chevanoshanda vakazvimirira kuti vasashande zvachose.

Pakupa mutongo wavo, Justice Mary Dube vanoti matanho akatorwa neHurumende mukurwisa kupararira kweCovid-19 akakodzera.

Vanoti bumbiro remutemo weZimbabwe rinotendera kuti dzimwe kodzero dzevanhu dzinge dziine padzinogumira kana nyika yatarisana nenjodzi, kusanganisira dzenyaya dzezveutano.

Anoda kupikisana nedanho rinenge ratorwa neHurumende anofanira kupa umboo hunoratidza kuti Hurumende haina masimba ekuzviita uye kuti hapana chikonzero chekuti inge ichitora danho rakadaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×