Vapoteri voita zvinorova mumabhindauko ekurima

Theseus Shambare ari kuCHIPANGAYI, CHIPINGE

VAPOTERI vekune dzimwe nyika avo vari paTongogara Refugee Camp (TRC) kuChipangayi, kuChipinge vari kuita zvinorova nekushandisa rubatsiro rwavanopiwa mukuita mabhindauko ekurima anoendeka izvo Hurumende iri kukurudzira varimi vadiki kuti vatevedzerewo.

Chirongwa chePfumvudza/Intwasa chine chinangwa chekusimudzira goho, asi nyanzvi dzinoti chinofanira kuve hwaro hwekuti mabasa ekurima atorwe sebhizimisi.

Varimi vari kukurudzirwa kushandisa nzira dzemazuva ano dzekurima, kuvandudza zvirimwa zvavo zvichigadziriswa zvinhu zvakasiyana, kuwana mari uye kuidzorera muminda yavo — kunove kutora kurima sebhizimisi (agri-preneurs).

PaTRC, vapoteri vari kuita mapurojekiti ekupfuya hove, kurima chibage, kuchengeta zvipfuyo nekugadzira chikafu chezvipfuyo.

Pamuzinda uyu pari kuvakwa zvakadai senzvimbo yekuurayira zvipfuyo nekuvandudza zvirimwa zvakasiyana-siyana.

Chinokosha ndechekuti mushure mekugamuchira rubatsiro kubva kuHurumende nevamwe vabatsiri, vapoteri ava havachangomirira kupihwa — vari kuvandudza zvirimwa zvavo, kubhadhara zvikwereti uye kudzorera mari mumapurojekiti avo.

Mutevedzeri weGurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nebudiriro yekumaruwa — VaDavies Marapira — svondo rapera vakashanyira muzinda uyu ndokurumbidza mabasa ari kuitwa nevapoteri.

“Pari zvino, vapoteri ava vari kuvandudza zvirimwa, kubhadhara zvikwereti zvavo uye kuita mabhizimusi anokwanisa kuzvimirira,” vanodaro.

VaMarapira vanokurudzira varimi vadiki kuti vatevere mumatsimba evapoteri ava.

“Rubatsiro rweHurumende pasi pechirongwa chePresidential Inputs Scheme, rwunofanirwa kusimudzira varimi kuti vatore mabasa avo sebhizimisi,” vanodaro.

“Vanhu vakaremara mitezo nevechikuru vanogona kuramba vachida kubatsirwa, asi vamwe vose, mukana wekubudirira uripo. Kana vapoteri vachikunda zvimhingamupinyi vachibudirira, ndizvozvo zvakare zvinogona kuitwa nevagari vedu avo vane mikana yekupinda muzvirongwa zvinovasimudzira munyaya dzeupfumi.”

VaPatrick Bemadu, vanove mumwe wevapoteri uye vari murimi zvakare, vanoti chirongwa ichi chiri kubatsira zvakanyanya kusimudzira raramo yavo.

“Bhindauko rimwe narimwe rinopa mari yakakodzera kumhuri imwe neimwe.

“Mushure mekudzorera rubatsiro rwekutanga, tinoshandisa mari yedu mumabhindauko akasiyana,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naCharlette Kayembe, mumwe wevapoteri, achiti hupenyu hwake huri kuendeka nekuda kwemabhindauko avari kuita.

“Tinochengeta tupukanana twemhand yeblack soldier flies tichishandisa marara.

“Tupuka utwu tunoshandiswa sechikafu chehove nehuku dzemazai, zvichideredza mutengo wechikafu uye nekusimudzira budiriro,” anodaro.

Sachigaro wevarimi vemunharaunda iyi, Mai Lizzie Mutyambizi, vanoti vanoona zvakakosha kushanda pamwe chete nevapoteri senzira yekusimudzira raramo yavo.

“Tinoshanda pamwe mumapurojekiti uye nharaunda yemuno inowana chikamu chegumi kubva muzana chezvose zvinotengeswa kubva mumabhindauko akasiyana.

“Kudyidzana uku kwasimbisa ukama uye kuri kuwanisa mikana yekusimudzira upenyu nenzira dzakasiyana,” vanodaro.

Director weFisheries and Aquaculture Resources (FARD), VaMilton Makumbe, vanoti kubudirira kwemapurojekiti aya kunobva pakuteerera dzidziso pamwe nekuzvipira kwevapoteri mumabhindauko avo.

“Neunyanzvi hwakakodzera uye nekuve nezvikwanisiro, kupfuya hove kunogona kuvandudzwa kwowanisa vanhu raramo inoendeka. Kuwanisa mari nezvekudya zvinovaka muviri, kuchiitawo kuti pave nehochekoche pakati pevapoteri nenharaunda dzakavapoteredza,” vanodaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×