Varimi vegorosi voyambirwa kudzora zvekushandisa

Muchaneta Chimuka

VARIMI vegorosi, avo vari pasi pechirongwa chePresidential Winter Wheat Scheme neNational Enhanced Agricultural Productivity Scheme icho chinonyanya kuzivikanwa seCommand Agriculture, vakakundikana kudyara mbesa dzavo kusvika nemusi wa15 Chikumi vari kuyambirwa kuti vadzore zvekushandisa zvose zvavakapihwa kumahofisi ari pedyo navo eGrain Marketing Board (GMB) nemusi wa20 mwedzi uno.

Izvi zvinotevera kuwedzerwa kwakaitwa nguva yekudyara kwegorosi kusvika pazuva iri (15 Chikumi) nebazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekugariswa kwevanhu kumaruwa apo vakawedzera mazuva ekudyara nechinangwa chekuti vazadzikise huwandu hwemakekita ari kudiwa kuitira kuti nyika isaite nzara.

Hurumende inoda kuderedza nyaya dzekutenga gorosi kune dzimwe nyika kuburikidza nekutsigira varimi vechirimwa ichi kuti varime 150kg dzembeu pahekita imwe neimwe.

“Varimi vari kukurudzirwa kuti vatore matanho ekudyara gorosi ravo nenguva kuitira kuti nyika iwane kudya kwakakwana zvichifambirana nechirongwa cheAgriculture and Food Systems Transformation Strategy uye Agriculture Recovery Plan pamwe neNational Development Strategy 1 chekuona kuti nyika yasimukira munyaya dzezveupfumi panozosvika gore ra2030,” vanodaro Dr Anxious Masuka vanova gurukota rebazi rezvekurima.

Vanoti zvakakosha kuti zvekushandisa zvose zvakapihwa kuvarimi neHurumende zvishandiswe nemazvo.

“Varimi vose vanenge vasina kukwanisa kudyara gorosi ravo pazuva rakatarwa vanofanira kunodzorera zvose zvavakapihwa neHurumende kumapazi eGMB ari pedyo navo musi wa20 Chikumi usati wapfuura,” vanodaro Dr Masuka.

Chirimwa chegorosi chakakosha zvikuru munyika sezvo chichibatsira kuderedza mutengo wechingwa uye mupunga nekumwe kudya uko kunogadzirwa kuchibva mugorosi.

Zimbabwe inoda matani 360 000 egorosi pagore uye mwaka uno pane tarisiro yekuti inogona kuwana matani 340 000, izvo zvichaderedza mutoro wekutenga gorosi kunze kwenyika.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×