Muzvikoro mitambo yaondongwa

Abel Ndooka

SANGANO reNational Association of School Heads (NASH) rinoti vana vanotamba mitambo yakasiyana muzvikoro vakanganiswa zvikuru kusimukira kwezvipo zvavo kubvira pakanyuka chirwere cheCovid-19 kekutanga munyika muno gore rapera sezvo mitambo iyi isiri kuitwa.

Mutungamiri weNASH – Arthur Maphosa – anoti mitambo yemuzvikoro inorongwa nesangano ravo kwemakore akawanda inobatsira kusimudzira vana munyaya dzemitambo izvo zviri kuona vamwe vachinokwikwidza kunze kwenyika kumitambo yakaita seConfederation of Schools Sports Association of Sourthen Africa (COSSASA).

Maphosa anoti kuvepo kweCovid-19 kwaita kuti vechidiki varasikirwe nemitambo iyi.
“Zvinorwadza kuti remangwana revana vedu muzvikoro riri kutokanganiswa, makore maviri aya hatina mitambo yatambwa muzvikoro, vana vazhinji vatorasikirwa ipapo.

“Tiri kuchema nguva dzose kuti dai denda iri rachipera uye dai tapihwa mikana yekuti tironge mitambo yevana nekuti tinofanira kuvarongera remangwana ravo nekuti vakaregererwa rinoenda mudondo,” anodaro Maphosa.

Makore ose, NASH inoronga mitambo mikuru inosanganisira Copa Coca Cola yenhabvu kuchiti Stella Netball under 17.

Mitambo miviri iyi inozivikanwa ichibika shasha dzakawanda dzakaita mukurumbira pasi rose mumutambo wenhabvu nenetball.

Vatambi venhabvu vane mukurumbira vakaita saPeter Ndlovu, Knowledge Musona naKhama Billiat vakadarika nemumutambo weCopa Coca Cola.

Kozoti kunetball, vatambi vechikwata chenyika cheGems vanosanganisira Sharon Bwanali naFelistas Kwangwa vakapfuura nemuchirongwa cheStella Under 17 netball tournament.

“Chikwata chenyika chemaGems chiye chakaenda kuLiverpool kuWorld Cup mugore ra2019, vasikana vazhinji vaive muchikwata ichi vakapfura nemumaoko edu.
Zvakare tinofara tichiona kuti vave kutorarama nemutambo uyu uye vachitambira zvikwata zvikuru zvenetball, zvimwe chetezvo kunhabvu. Saka mitambo iyi yakakosha, tikagarisa isingatambwe vana vakawanda vanorasikirwa nemikana mizhinji,” anodaro Maphosa.

Related Posts

Makore mashanu mujeri nemhosva yokuba akapakata zvombo

Getrude Manyande MURUME ane makore 54 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu azere nemhosva yokuba akapakata zvombo pane imwe imba murukisheni rweMbundane, apo chirangio chakapiwa mwanakomana wake pamhosva yekugamuchira…

Dambudziko rekuitira tsvina pose-pose rakura muguta reHarare

Muchaneta Chimuka KANZURU yeHarare yoshorwa zvikuru panhau yekusiya vashandi vayo vachibhadharisa voruzhinji US50 cents pamunhu kuti ange achipinda muchimbuzi zvisinei nokuti nzvimbo idzi dzinofanira kunge dzichishandiswa pachena. Izvi zviri kuita…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×