Varimi vemasamba vakatunzvaidzwa

VARIMI vemasamba vanokwana 514 vekuHonde Valley, kuManicaland vakapihwa chiremerera chepamusoro cheUTZ and Rainforest Alliance Certification chekugona kurima zvine hunyanzvi izvo zvinoita kuti vange vachicherechedzwa pasi rose vachikwanisawo kutengesa zvirimwa zvavo pasina zvimhingamupinyi.

Chiremerera ichi chakaitwa kuburikidza nekushanda kwesangano reSNV rakabatana nereHonde Valley Smallholder Development Company pasi pechirongwa chinokotsverwa neDanida cheRural Agriculture Revitalization Project (RARP). Sangano reRARP riripo kusimudzira varimi vechidiki vemasamba kuti vakwanise kutengesa zvirimwa zvavo kumisika yepamusoro kunze kwenyika.

VaCloffas Nyagumbo vanova mupi wemazano kuSNV vanoti vatengi vemasamba vakuru pasi rino vakazvipira kutenga chirimwa ichi kubva kuvarimi ava vachitevedzera mitemo inodiwa zvichifambirana nekusanduka kwemamiriro ekunze.

“Varimi vakapihwa nguva yekutevedza zvisungo zvakatarwa kusvika gore ra2015 kuti zvinge zvave kutevedzwa nemurimi wese wechirimwa ichi,” vakadaro VaNyagumbo.

Vanoti panodarika gore iri rakatarwa ra2015, vatengi vanezenge vasisatenge masamba aya kana pasina kutevedzerwa zvinodiwa maringe nemutemo unoona nezvekutengeswa kwechirimwa ichi.

Nekuda kwemamiriro ezvinhu aya, vanoti zvichaita kuti chirimwa chevarimi vemuno chitambirwe pasi rose.

Kubva mugore ra2006, SNV yaishanda nevarimi vemasamba akasiyana kusanganisira coffee nechirimwa chemabanana.

VaNyagumbo vanoti kushanda nevarimi ava kwakabatsira mukuburitsa pachena matambudziko akatarisana navo mubasa iri.

Aka ndekutanga kuti varimi vadiki vemunyika ino vapiwe chiremera ichi icho chaipihwa varimi vakuru chete kare.

SNV isangano rinoshandira munyika dzinokwana 33, dzinosanganisira matunhu anoti Latin America, Asia, Balkans neZimbabwe.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×