Varimi venzungu vosimudzirwa

Kingstone Mapupu

MUZVINABHIZIMISI wepanzvimbo yeMuzokomba  Towship, kuBuhera South osimudzira kurimwa kwenzungu  mudunhu iri kuburikidza nekutenga chirimwa ichi kubva kuvarimi uye nekugaya nzungu idzi kudziita dovi.

VaMasimba Kurasha (29) vane zvigayo zvinotonongora kana kumenya nzungu uyewo nekudzikanga nekuzokuya dovi.

Vanoti vakavamba bhizinesi iri mushure mekuona kuti ivhu rekuBuhera rinoita zvakanaka zvikuru pachirimwa chenzungu.

“Ndakaita zvidzidzo zveEconomics  kuUZ ndokuona kuti nekushaikwa kwemabasa regai nditsvage zvekuita apo ndakatanga kutenga zvigayo zvekugaya hupfu, ndakazotenga zvekutonongora nzungu, kukanga, nekukuya dovi izvo ndakaisa mumataundishipi anosanganisira Muzokomba, Matsetsa, Gwama, neChapanduka. Ndinotarisira kuisa zvimwe kune mamwe mataundishipi, ndinotenga nzungu kuvarimi uyewo vanoda kukuirwa ravo dovi ndinokuya,” vanodaro.

Pamusoro pazvo, michina yavo inosvuura nzungu idzi zvinoitira varimi nyore.

“Vanhu vemuno vanorima nzungu vanouya nadzo pano ndichidzitenga nemari yakanaka zvikuru zvichisiyana nekunaka kwadzo. Vamwewo ndivo vandinokuira dovi vachitengesawo kwakasiyana,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndinotengesa dovi rangu kunzvimbo dzose munyika muno kune vezvitoro kubvira pano paMuzokomba neZimbabwe yose uyewo ndinoendesawo kuSouth Africa, Zambia neBotswana. Kune vanhu vanouya vachihodha dovi iri kuno,” vanodaro. Mamwe makasitoma avo makuru vanoti mumakamba emapurisa nekuvashandi veHurumende.

“Ndine vashandi vakawanda zvikuru vamwe vanoenda vachitsvaga nzungu mumaruwa vamwe vanoita mabasa pano ekushandisa zvigayo zvekutonongora, kusvuura, kukanga, nekukuya nzungu idzi kuita dovi,” vanodaro.

Vanoti kuburikidza nebasa ravo iri vane vanhu vakawanda avo vakapinza mabasa zvave kuita kuti mhuri dzavo dzirarame.

Muzvinabhizimisi uyu anoti motokari yaanotakurisa nzungu kubva kuvarimi iduku nekudaro anoda kutenga imwe hombe.

“Motokari yandinoshandisa yava duku pakutakurisa nzungu, ndinoda kutenga imwe hombe kuitira kutakura nzungu dzakawanda kubva kuvarimi vandinotengera,” vanodaro VaMarasha.

Zvakadai, vamwe vevarimi vakakurukurwa navo neKwayedza – avo vanosanganisira Selinah Chinofunga (39) naAlice Magarira (28) — vanoti vanotenda nechirongwa chekutenga nzungu ichi sezvo chiri kuvabatsira zvikuru.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *