Varimi vodzidziswa kusvina mafuta

Nyasha Bvudzijena naCourtney Munodawafa
SANGANO reZimbabwe Seed Sovereign Program (ZSSP ) nguva pfupi yadarika rakaita musangano nevarimi apo vaipihwa mazano pamusoro pekukosha kwezvirimwa zvidiki uye kuzvivandudza kuburikidza nekugadzira zvakadai semafuta ekubikisa.

Musangano uyu weNational Seed Fair – uyo wakapindwa nevamiriri vemasangano akasiyana – waifamba nedingindira rinoti, “Kurudziro yekudyiwa nekutengeswa kwechikafu nemafuta zvine hutano kubva mumbesa dzechivanhu.”

Vachitaura pagungano iri, VaNgoni Chikowe vesangano reZimbabwe Small Holder Organic Farmer’s Forum (ZIMSOFF) vanoti zvakakosha kuti varimi vavandudze basa ravo kuburikidza nekugadzira mafuta ekubikisa kubva muzvirimwa zvakasiyana.

“Kubva kare taingoziva kuti masanifurawa nesoya bhinzi ndidzo mbeu dzatinokwanisa kushandisa kugadzira mafuta asi iko zvino kwave nembeu yeruninga. Murimi ava kukwanisawo kusvina achigadzira mafuta ekubikisa kubva muruninga. Izvi  zvave kureva kuti murimi anokwanisa kutengesa mafuta aya achizviwanira mari yake,” vanodaro VaChikowe.

Vanoti nyaya dzekurima dzakakosha pakusimudzira budiriro yenyika.

“Isu sevarimi tikagona kurima mbeu dzechinyakare zvinotibatsira kuti tidye kudya kune hutano. Kare vanambuya vedu vaiita minda yaiva nezvirimwa zvakasiyana-siyana zvinoti mhunga, rukwezha, zviyo nemapfunde. Iyi inhaka yatakasiirwa yatinofanira kuramba tichichengetedza nekuti kumwe kudya kwamazuvano hakuchaenderane nemiviri yedu kana nemawaniro atinoita,” vanodaro.

Eve Mere wekunyika yeBenin – uyo aive akamirira sangano reAfrican Biodiversity Network – anoti kurima ndiwo musimboti webudiriro yenyika.

“Kurima kunobatsira kuvandudza budiriro munyika yose uye kana ndadzokera ndichanosvika ndichinoparura chirongwa chekudzidzisa varimi kurima mbeu yeruninga kunyika kwangu kuburikidza nedzidziso yandatora pamusangano uno,’’ anodaro.

Vaive pagungano iri vanosanganisira vamiriri vemasangano anoti Action Aid, World Vision, Women and Hand in Zimbabwe, Perlum Zimbabwe neSimbabwe Super Seeds.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×