Orongerwa gen’a nemukadzi

Courtney Munodawafa
MURUME anogara kuNyabira, pedyo neHarare, anoti ari kugara akabatira hana yake mumawoko nekuda kweaimbova mudzimai wake uyo waanoti anoda kumurongera gen’a rekuti rigomutora, rigoona zvekuita naye.

Gerald Duri akaudza mutongi wedare reHarare Civil Court, Noah Gwatidzo, mushure mekumhan’arira Rossum Mapuwe.

“Uyu aimbova mukadzi wangu asi takarambana uye ari kugara kumaraini. Anondityisidzira achinditi anoda kundirongera gen’a kuti riuye kuzonditora ndigotadza kuenda kubasa. Handisisina rugare, ndogara ndakabatira hana mumawoko ndichityira upenyu wangu,” anodaro.

Duri anoti Mapuwe anoenda kubasa kwake achinomutuka nezvinyadzi.

“Anouya kubasa kwangu achindituka nezvinyadzi. Handisisna chimiro pamberi pevamwe vandinoshanda navo. Izvi zvave kukanganisa mashandiro angu sezvo ndave kuonekwa semunhu asina maturo,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Rossum akandiudza kuti mumwe wedu anofanirwa kubva kumaraini kwatinogara nekuti iye ari kuti hazvisi kumuitira kuti agare achiziva kuti ndiri kugara ikoko.

‘‘Aregera kuuya kudare nekuti akaudzwa naamai vake kuti kuuya kudare hakuna basa, hazvina zvazvinobatsira.”

Mapuwe haana kuenda kudare.

Mutongi Gwatidzo akapa Duri gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *