Varimi vokurudzirwa kushandisa manyowa emupfudze

Kingstone Mapupu
SANGANO reZimbabwe Farmers Union rakakurudzira varimi kuti vashandise manyowa emupfudze muzvirimwa zvavo kunze kwekungoramba vachishandisa fetereza nedonzvo rekusimbisa ivhu ravo sezvo zvichivapawo goho guru. Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wechipiri wemutungamiriri weZFU, VaBerean Mukwende, panguva iyo varimi vari kuita gadziriro yemwaka wezhizha waswedera uyu.

Vanoti zvakakosha kuti kunze kwefetereza varimi vashandisewo mupfudze wakaita sewemombe, embudzi, makwai, madororo ehuku, murakwani wemusango kana ivhu repachuru mukusimbisa ivhu ravo.

“Tinoziva kuti mari iri kunetsa munhu wose kunyanya takatarisana nechikamu chemabasa ekurima nekudaro varimi vedu ngavashandise mhando yemupfudze watinowana kubva kuzvipfuyo zvedu mukudyarisa mbesa dzavo. Manyowa aya anoita kuti zvirimwa zvikurumidze kukura,”vakadaro VaMukwende.

Vanoti manyowa anoshanda zvekutodarika fetereza yepasi kunyangwe zvazvo vamwe varimi vachiatarisira pasi.
“Kana murimi aimbotenga masaga makumi maviri efetereza achiti epasi gumi neepamusoro gumi zvinenge zvave kureva kuti anenge ochengetedza mari ave kutenga yepamusoro chete,” vakadaro.

Vanoti manyowa anonyanyoshanda zvakanaka muminda yematoro nemimwe inowanda mvura.
Zvakadaro, VaMukwende vakayambirawo kuti basa rose iri rinofanirwa kuitwa paine kubatsirwa nevarimisi nedzimwe nyanzvi dzezvekurima sezvo kune imwe mhando yemupfudze isingade kuwanzwa zvinoguma zvave kupisa zvirimwa kana mvura ikazoita shoma.

“Mipfudze mizhinji inoita zvekukandwa mugomba umo munoiswawo tsanga dzezvirimwa kana varimi vachidyara asi hazvidi kuti manyowa aya awanzwe,” vakadaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×