Munyori weKwayedza
MAMWE emadzimambo ekuManicaland akataurwa nawo pamusoro pekasikana kekubatwa nemweya kana kuti dhimoni ndokutanga kushita senyoka kachizvongonyoka nedumbu, vanoti nyaya dzehuroyi dziri kuramba dzichiwanda, zvikuru kunzvimbo dzekumaruwa. Vakafanobata chigaro chamambo Saunyama, kuNyanga, vanoti: “Kare zvaisataurwa mumhuri kana munharaunda. Asi mazuva ano vanhu vari kubuda pachena vachitsvaga rubatsiro kumatare echivanhu.”
Vanoti mumatare avo havachimbidze kunanga munhu kuti muroyi asi kuti vanotsvga umboo kuburikidza nen’anga nemaporofita vanozivikanwa nekugona basa.
Mashoko avo akatsinhirwa nevakafanobata chigaro chaMambo Zimunya, VaKiben Bvirindi, vachiti nyaya dzehuroyi dziri kuwanda zvikuru mazuva ano.
“Ndiri kunzwa nyaya dzakawanda dzevana vari kupinzwa mumabasa ehuroyi vasingazive kuburikidza nekuchekwa nyora pamiviri yavo,” vanodaro
“Vanoita izvi vasingazive, vozozviziva kana mumhuri maitika nyaya apo vanonotsvaga mazano kuvakuru vematunhu. Zvisinei, kune dzimwe nyaya shoma dzevanoita mabasa erima aya vachiziva kuti ndizvo zvavari kuita.”




