Varume ongororwai ropa renyu: NAC

SANGANO reNational AIDS Council (NAC) rinoti zvakakosha kudzidzisa vanhurume kuti vave nechido chekuongororwa ropa kuitira kuti vazive pavamire maererano neutachiona hweHIV nechirwere cheAIDS sezvo vakawanda vavo vachizeza kutorwa ropa.

Muhurukuro nevatori venhau nguva yadarika, NAC Mashonaland Central Provincial Cordinator, VaDavid Nyamurera, vanoti vari kuda kutanga hurongwa hunokurudzira vanhurume kuti vaongoorwe HIV neAIDS.

“Tikakwanisa kuva nehurongwa hunokururdzira varume kuti vafarire kuongororwa chirwrere zvinobatsira zvakanyanya. Kana varume vakafarira kuongororwa sezvinoita vanhukadzi, zvinobatsira nekuti richiri dambudziko guru.

“Izvi hazvinetsi kugadzirisa, zvakafanana nekarusarura kaimbovapo mazuva akatanga nyaya dzeutachiona hweHIV muno munyika nepasi rose. Vazhinji vaiva nedenda iri vaisarudzwa nehama neshamwari zvekuti kune dzimwe nyika nenzvimbo vaitogariswa kwavo voga. Zvose izvi zvakaunzwa nekufunga kwevanhu asi zvakapfuura.

“Tikashanda nesimba sesangano pamwe chete neveruzhinji, dambudziko rekusada kuongororwa kwevanhurume iri rinopera,” vanodaro.

VaNyamurera vanoti vane tarisiro yekuti kuongororwa kweutachiona hweHIV neAids chinofanira kuva chishuwo chinoitwa nemunhu wese aenda kunorapwa sezvinoitwa zvimwe zvirwere zvakaita seshuga neTB.

Vanotiwo panoda kuitwa ongororo yakasimba yekushandiswa kwemakondomu nekuona kuti ari kushandiswa nemazvo here sezvo vamwe vanombotanga vachiashandisa asi vozopedzisira varega, kunyanya vaya vanenge vagarisa vachisangana pabonde kana kuti vakaroorana.

Mashoko avo akatsinhirwa naVaFreeman Dube, avo vanova NAC research and documentation co-ordinator, vachiti zvakakosha kusimbaradza nzira dzekushambadza mashoko kuruzhinji ari maererano nekudzivirira kutapurirana utachiona hweHIV neAids.

“Kare taiziva kuti muzvitoro nenzvimbo dzinoungana veruzhinji maiwanikwa mapepa nemifananidzo yaipa ruzivo maererano nezvedenda iri. Mazuva ano zvava zvishoma kana tichienzanisa nakare. Munharaunda dzakasiyana vanhu vanofanira kugara vaine ruzivo rwakadai,” vanodaro VaDube.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *