Varwere vakarapwa pachena

Malven Mugadzikwa

KAMBANI inobika chingwa nekugaya upfu yeNatBake svondo rapera yakaita chirongwa chekurapisa varwere pachena pachikoro cheNzvimbo High School, kuChiweshe, kudunhu reMashonaland Central.

NatBake inoti yakaita chirongwa ichi sezvo ichikoshesa utano hwevanhu panguva iyo veruzhinji vasiri kuwana mishonga zvakakwana nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

“Tiri kuziva kuti munyika tine dambudziko remachiremba, vamwe vari kuratidzira nekusashanda zvakanaka muzvipatara. Sekambani, taona zvakakosha kuti titsvage machiremba nevakoti vanobatsira pachena.

“Izvi zvinobatsira zvakanyanya nekuti varwere vazhinji vari kushaya mishonga yekuti vabatsirikane uye zvimwe zvipatara hazvisi kushanda zvakanaka,” vanodaro Mai Anne Nhongo vanova general manager kuNatBake.

Mai Nhongo vanoti zvakakosha kuti vemabhizimisi vapote vachibatsira nharaunda dzavanoshandira.

“Tinozvikoshesa nekuti bhizimusi rinokudzwa nevanhu vanotenga zvatinogadzira.

Zvakakosha kuti vaongororwe zvirwere pachena nekuti kuti tikagara tiine vanhu vasina utano munharaunda dzatinoshandira hazvina kunaka,” vanodaro.

Dr Abel Mazire, avo vaitungamirira vanachiremba vakabatsira pachirongwa ichi, vanotenda NatBake vachiti zvakakosha kuti varwere varapwe pachena, kunyanya kumaruwa sezvo vamwe vari kure nezvipatara.

Mumwe wevarwere vakabatsirwa pasi pechirongwa ichi, VaEdmore Mandende Chiunda (48), vanotenda NatBake vachiti,

“Muzvipatara dzimwe nguva tinonzi endai munotsvaga mishonga moga kana kupihwa mishonga asi mimwe yonzi hapana.

Pamwe unoudzwa kuti chiremba wacho haapo zvichiita kuti tigare nematenda pasina kurapwa.

“Nhasi tagonerwa nekuti ndakwanisa kupihwa mushonga wekuti ndibatsirikane.”
Mbuya Stella Nyamutamba (79) vanotendawo vachiti dai zvirongwa zvakadai zvichigara zviriko kuitira kuti veruzhinji vabatsirikane .

Pagungano iri, vaimbi vanosanganisira Peter Moyo, Braveman “Baba Harare” Chizvino naSimon Mutambi vakawana mukana wekutandadza vanhu.

Related Posts

Murairidzi weDeMbare anogona kusiya basa

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weDynamos Aristica Cioaba akazivisa kuti anogona kusiya chikwata ichi chikatadza kupedza mwaka chiri pane chimwe chezvinzvimbo zvina zvepamusoro muPremier Soccer League (PSL). Murairidzi anobva kuRomania uyu, uyo…

MaGems orwira kuenda kuWorld Cup

Veronica Gwaze ZIMBABWE Netball Association (ZINA) svondo rino yakaonekana nechikwata chemaGems, icho chine nhengo gumi neshanu, apo chainge choenda kumakwikwi achaitirwa kuNairobi, Kenya, pakati pa19 na26 Gunyana. Chikwata ichi, icho…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *