Varwere vobatsirikana nemabhindauko ekurima

Muchaneta Chimuka

VARWERE pamwe nevashandi vepachipatara cheChitungwiza Central Hospital vari kubatsirikana zvikuru zvichitevera mabhindauko ekurima miriwo yakasiyana ayo ari kuitwa kuburikidza nerubatsiro rweimwe chechi.

Mai Audrey Tasaranarwo vanova mukushi wemashoko pachipatara ichi vanoti mabhindauko aya ari kutsigirwa naVaSimbarashe Nengomasha kana kuti Madzibaba Simba vechechi yeJohanne Masowe yeCanan

Vanoti vanorumbidza chechi iyi nemamwe mapoka akasiyana ari kuvatsigira.

“Sechipatara, tinonzwa kufara zvikuru nezvatiri kuitirwa naMadzibaba Simba. Gadheni redu takarivamba muna2016 asi rakanga risiri kuita zvakanaka nekuda kwekuti rakange richishandwa nevarapi nevamwe vashandi vepano vanova vanogara vakabatikana nemamwe mabasa,” vanodaro.

Mai Tasaranarwo vanoenderera mberi vachiti, “Asi pakauya Madzibaba Simba vakatiyamura zvikuru sezvo vakauya nemapaipi ekudiridzisa saka rinogara rakasvibira kudai. Vanotsigira zvakare chipatara chedu nezvekudya uye magumbeze evarwere saka tinozvikudza zvikuru.”

Vanoti chipatara chavo chiri kuramba chichisimukira kuburikidza nerutsigiro rwevagari vemunharaunda iyi avo vanosanganisira vaimbi, vanamuzvinabhizimisi nevemachechi.

Kwayedza payakashanyira chipatara ichi nomusi weChina chadarika yakaona bindu rine hekita rimwechete nechidimbu iro rakasvibira riine zvirimwa zvinosanganisira muriwo, matomatisi netsunga

Madzibaba Simba vanoti vakaona zvakakodzera kuti vabatsire chipatara ichi nenzira dzakasiyana.

“Ndakatanga mabhindauko aya gore rapera mushure mekuona kuti chipatara ichi chakanga chichisangana nematambudziko ekushaya muriwo wevarwere. Izvi ndakazvidzidza panguva iyo ndaishanyira varwere pachipatara ichi.

Saka semunhu anoshanda evanhu, ndakaona zvakosha kuti nditambanudze maoko ndichibatsira,” vanodaro Madzibaba Simba.

Vanoenderera mberi vachiti, “Hongu vamwe vanogona kushamisika kuti sei vanhu vekereke dzepositori vari kutsigira zvipatara munyaya dzeutano. Isu tinotendera vatendi vedu kuti vange vachirapwa muzvipatara uye tinotori nevana vanova varapi.”

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *