Mafirimu ngarive bhizimusi: Chibhamu

Malven Mugadzikwa

SHASHA mukunyora nekutsikisa mafirimu uye nemadhirama, Leonard Chibhamu, anoti vari muindasitiri yemafirimu muZimbabwe vanofanira kuatora sebhizimusi uye ave nemucherechedzo wetsika nemagariro akanaka evanhu vatema.

Chibamu ndiye akanyora mutambo une mukurumbira wekutaurwa kwechiShona chakadzika-dzika unonzi ‘Village Secrets’ uyo uri kufarirwa neveruzhinji mazuvaano.

“MuZimbabwe, tine mukana wakakura zvakanyanya wekuti tiwane mari kupfurikidza nemafirimu pamwechete nemadhirama. Dambudziko ratiri kusangana naro nderekuti vazhinji vari mune zvekunyorwa nekutsikiswa kwemafirimu vari kuita izvi vasina muono wekugadzira mari uye havasi kutora mafirimu sebhizimisi. Mafirimu haapo pakufadza vanhu chete,” anodaro Chibhamu.

Anoenderera mberi achiti, “Vatsikisi nevanyori vemafirimu vanofanira kushanda pamwechete vachipana mazano,  ndizvo zvinoita kuti tibude nemitambo yakanaka. Mafirimu edu muZimbabwe anofanirawo kutakura tsika dzedu nemagariro. Izvi zvinobata kunyaya dzemitauro yedu kuti ishandiswe mumafirimu senzira yekuti afarirwe nezvizvarwa zvemuZimbabwe.”

Chibhamu anoti mutauro wechiShona wakapfuma zvikuru.

“Mutauro wedu unobatsirawo kunyanya kuvana vechidiki nekuti tsika dzedu nemagariro zviri kuyeredzwa nechizvino-zvino uye netsika dzekune dzimwe nyika,” anodaro.

Chibhamu anoti mutambo wake – Village Secrets – une chiShona chakadzama.

“Ndinoda kupa muenzaniso wemutambo wanetsa mazuvano wandakanyora ‘Village Secrets’. Mutambo uyu une chiShona chakadzama chakarongwa nezvidavado zvinosanganisira tsumo nemadimikira. Izvi zvinobatsira kunyanya vechidiki vari kuzvikoro,” anodaro Chibamu.

Anoti vari muindasitiri yemafirimu pakuekita vanofanira kushandisa zviwanikwa zvakasiyana zvenzvimbo dzekushanya dzemuZimbabwe senzira yekudzishambadzawo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *