Lovemore Kadzura
VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere.
Mashoko aya akataurwa naMai Everjoice Shoshore, avo vanoona nezvekuronga kuenda pamudyandigere (Retirement Planning Officer) muPublic Service Commission (PSC), pamusangano wevashandi veHurumende vekudunhu reMakoni, kuManicaland nguva pfupi yadarika.
Mai Shoshore vanoti vashandi veHurumende vanofanira kungwarira mashandisirwo emari yavo uye kuishandisa kuvamba mabhizimisi, kuvaka dzimba, kuchengeta zvipfuyo, kunyoresa kumasangano ekuchengetedza pfuma (trusts) pamwe nekunyora magwaro ekugovera nhaka (wills).
Vanoti zvakakoshawo kuti vashandi veHurumende vatore inishuwarenzi yezvinhu zvavo, vadzidze hunyanzvi hutsva, vagare vachiongororwa utano hwavo uye vave nehurongwa hwekubatsirwa nemari dzezveutano (medical aid).
“Kuenda pamudyandigere chinhu chisingadzivisiki, uye hatifaniri kubatwa takangoti pfavava tisina kugadzirira. Hatizogari muzvigaro zvedu nekusingaperi. Rimwe zuva tichasiya basa, tingave takagadzirira kana kuti kwete. Kuti tizvidzivirire kubva mumatambudziko panguva yemudyandigere, tinofanira kutanga kuchengetedza mari kubva iye zvino, kuvaka dzimba kungave mumaguta kana kumaruwa. Avo vanogara mudzimba dzeHurumende havafaniri kuzorora vachifunga kuti zvinhu zvakanaka. Kushandisa mari mukutenga zvipfuyo zvakaita semombe, mbudzi, makwai nezvimwewo chinhu chinofanira kufungisiswa sezvo zvichizokubatsirai panguva yekuomerwa. Tinokukurudzirai kuti muve nemasangano emhuri ekuchengetedza pfuma (family trusts) uye kunyora magwaro ekugovera nhaka kuitira kuti musiye pfuma yenyu yakarongeka. Ngatigare tichiongororwa utano hwedu uye tive neinishuwarenzi yeutano,” vanodaro.
Vachitaurawo pagungano iri, mukuru wePublic Service Commission anoona nezvekukurukurirana neveruzhinji nevane chekuita nebasa (General Manager – Communications and Stakeholder Engagement), Mai Margret Muzumara, vanoti musangano uyu wakapa vashandi mukana wekuwana mazano enyanzvi maererano nenyaya dzekuenda pamudyandigere.
“Kukurukurirana pakati pePSC nevashandi vayo, avo vakauya vari vazhinji, kwaifadza zvikuru. Takaunza nyaya yakakosha yekusanduka kwezvinhu kubva pabasa kuenda pamudyandigere. Vakawana zvidzidzo zvakakosha maererano nekugadzirira kuenda pamudyandigere pamwe nekukosha kwekuchengetedza utano hwakanaka,” vanodaro.
Pamusangano uyu paiva nevatauri vakabva kuNational Social Security Authority (NSSA) nePremier Service Medical Aid Society (PSMAS), uye vashandi veHurumende vakapihwa mikana yakawanda yekubvunza mibvunzo kumasangano aya akakosha.




