Vasikana sungai dzisimbe: Nomsa

MUTAMBI akanetsa munhabvu yemadzimai achitambira maMighty Warriors, Nomsa “Boyz” Moyo anoti chikwata ichi chinofanira kusunga dzisimbe apo chiri kunokwikwidza kumutambo wemaOlympics kuRio de Janeiro, kuBrazil.

Nekune rimwe divi, chikwata ichi zvakare chiri kurwira tikiti rekunokwikwidza kumutambo weAfcon.

Svondo rino maMighty Warriors akatamba neZambia nemusi weChitatu muno kozoti mumwe mutambo wacho uchange uri kuZambia neMugovera.

Kana chikwata ichi chikakunda mumitambo miviri iyi chinobva chabudirira kuenda kumakwishu eAfcon aya.

Nomsa akakurudzira maMighty Warriors kuti ashandise mukana uyu kuti agokura mumutambo sezvo zvichizovabatsira kuenda kure. Anoti vamwe vatambi vemuchikwata ichi havazive kuti zvinorevei kubudirira kwavakaita kuenda kunotamba nhabvu kumaOlympics.

“Vatambi vechidiki varipo ava ndinoona sekunge havazive zvavanoda muhupenyu hwavo vanogutsikana nezvinhu zvidiki.

“Isu panguva yedu takakundikana kuenda kumaOlympics ivo vawana mukana wekuenda kumutambo uyu, ngazvisagumire ipapo chete vanofanirwa kutorwira kuenda kure uye vanorwira mukombe uyu.

“Tinoda kuti panozouya chimwe chikwata chinotevera pamberi chinenge chichiti chinoda kuenda kuWorld Cup,” anodaro Nomsa.

Anoti haakanganwe mutambo wemaMighty Warriors neSouth Africa wekurwira kuenda kuAfcon apo akanwisa bhora rakatyisa zvikuru kubva pakati penhandare. Mutambo uyu wakatambirwa kuSouth Africa.

Zvakadaro, kana pave kutaurwa nezvemadzimai akanetsa zvikuru munhabvu, zita raNomsa nderimwe rinotanga kutaurwa nevatsigiri vemutambo uyu nekuti ainwisa zvaidadisa zvikuru.

Nomsa anoti nanhasi haanzwisise kuti sei akamutumidzwa zita rekuti ‘Boyz’.

Anoti anofunga kuti akatumidzwa zita iri nekuti ainyanya kutaurisa muchikwata chavo chemaMighty Warriors.

“Ini ndiri muchikwata chedu kunyangwe zvinhu zvakaoma, ndaizivikanwa semunhu aitaurisa ndichibatsira kusimudza morari yevamwe vatambi vese kuti vatambe bhora.

“Ndomafungiro andinoita kana ndikada zvekufunga zvekuti zita rekuti Boyz rakabva kupi. Ndakangoripihwa naBenedict Moyo (aimbove nhengo yeZifa) ndiye anonyanya kuziva kuti zvakange zvaita sei kuti azonditumidza zita iri. Ini ndakangorigamuchira nekuti rine zvarinoreva,” anodaro.

Nomsa panguva yaakatamba akakwanisa kuhwina mikombe inoti 2011 Cosafa Cup nemaMighty Warriors apo chikwata ichi chakakunda cheSouth Africa mufainari yemutambo uyu. Mugore ra2003 Nomsa, akaenda nemaMighty Warriors apo vakanokwikwidza kumutambo weAll Africa Games.

Shasha iyi kubva payakasendeka shangu dzayo yakatanga zvekurairidza nhabvu vechidiki kuBulawayo uko kwaanogara uye ari musangano reFootball Union of Zimbabwe (FUZ). Anoti akakura achida zvekutamba nhabvu sezvo akazvarirwa mumhuri izere nevatambi vebhora.

Baba vake, Kaycastone Moyo Mbanje, nehanzvadzi yake – Michael Moyo – vese vakatamba nhabvu kare.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×