Vasikana vakarova chikoro paA’Level

VANASIKANA ndivo vakatora mukombe pakupasa kupinda vakomana pabvunzo dzeA-Level dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzegore rapera. Ongororo yakaitwa neZimsec inoratidza kuti vanasikana vakapasa nechikamu che74% kana zvichienzaniswa nechevakomana che68%, zvisinei zvazvo kuti vasikana vashoma vakanyora zvidzidzo zviviri kana kudarika. Mukuru weZimsec, VaEsau Nhandara, vakapembedza vanasikana nekushanda nesimba kwavakaita. “Zvinhu zvakange zvisingaitike kwenguva refu. Tinofara kuti mugore ra2014 vanasikana vakakunda vakomana zvisinei nekuti huwandu hwevasikana vakanyora zvidzidzo zviviri kana kudarika hwakange hwakaderera muzvikoro zvakazvimiririra nezveveruzhinji kana tichienzanisa nehwevakomana,” vakadaro.

Ongororo yebvunzo idzi inoratidza zvakare kuti vadzidzi vemuzvikoro zveHurumende vazhinji vavo vakapasa kupinda vemuzvikoro zvakazvimiririra. VaNhandara vakati vamwe vadzidzi vemuzvikoro zvakazvimiririra havana kuwana nguva yakakwana yekudzidza zvinova zvakaita kuti vasabudirire mubvunzo dzavo.

“Vana vemuzvikoro zveruzhinji vakawana zvidzidzo zvavo zvakakwana kwemakore maviri azere sezvo vakange vari muzvikoro apo vekuzvikoro zvakazvimiririra vasina kuwana mikana iyi. Pamusoro pezvo, zvikoro zvakazvimiririra zvizhinji hazvina kukwanisa kupedza sirabhasi yese nokudaro vadzidzi havana kuwaniswa ruzivo rwakakwana,” vakadaro. Huwandu hwevadzidzi vakanyora bvunzo idzi gore rapera hwakange huri pa30 614 uye mukati mavo 25 291 vakawana Grade E kana zviri nani muzvidzidzo zviviri kana kudarika. – The Herald.

Related Posts

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×