Vasikana vobatsirwa muzvikoro

Daphne Machiri

SANGANO reShamwari Yemwanasikana rinoti rakatanga chirongwa chekusimudzira utano hwevanasikana muzvikoro kuburikidza nekuvasonera zvekushandisa panguva yavo yekutevera (re-usable sanitary pads) vachivapa pachena.

Sangano iri riri kusona ma”re-usable pads” aya — ayo anokwaniswa kushandiswa kakawanda — richipa kuvanasikana vari muzvikoro zvinosanganisira zviri kudunhu reMashonaland East.

Muhurukuro neKwayedza, Regis Matenga — uyo anova community development officer wesangano iri kuMashonaland East — anoti donzvo ravo nderekusimudzira utano hwevanasikana.

“Chirongwa chedu chekupa masanitary pads pachena chapinda muzvikoro zvine chitsama. Takavamba chirongwa chekusona masanitary pads atinoti ma’re-usable’ nekuda kweupenyu huri kuremera vabereki. Vanasikana vanoda zvekushandisa munguva yavo yekutevera uye tiri kushanda nevamwe vanhurume muchirongwa chekusona ichi nekuti tinoda kuti vazive pamwe nekukoshesa utano hwevanhukadzi,” anodaro Matenga.

Sangano ravo, anodaro Matenga, riri kufamba muzvikoro kumativi mana enyika apo vari kuona matambudziko ari kusangana nevanasikana panguva yavo yekutevera.

“Matambudziko aya ari kukonzera kurovha kwevamwe vanasikana muzvikoro nekuda kwekuti panguva yavo yekutevera havakwanise kuenda kuchikoro zvinova zviri kudzorera dzidzo yavo shure. Kune vamwe zvakare vari kushandisa ndove yemombe panguva yavo yekutevera zvinova zvinokanganisa utano hwavo.

“Vamwewo vari kupedzisira vasiira chikoro panzira nekuda kwekuroorwa vachiri vadiki,” anodaro.

Matenga anoenderera mberi achiti, “Zvimwe zvezvikoro zvatiri kubatsira mukupa vanasikana masanitay pads pachena zvinosanganisira Jonasi Primary School iri kwaSeke, Hurungwe Primary School, Domboramwari Secondary School, Magaya Secondary School kwaMurehwa nezvimwe zviri kuHwedza.”

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *