Vasikana vosiira chikoro panzira

MUTEVEDZERI wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti ongororo yakaitwa nebazi ravo gore rapera inoratidza kuti vanasikana vari kusiira chikoro panzira padanho rekusekondari vakawanda kana zvichienzaniswa nevanakonama nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana.

Prof Mavima vakataura mashoko aya mudare reNational Assembly svondo rapera vachiti zvakakosha kuti mapoka anoona nezvedzidzo abatane mukuedza kupedza dambudziko iri. Vakati chikamu chevanakomana vari kusiira chikoro panzira padanho reForm 1 kusvika Form 4 chaive 4,4% apo chevanasikana chiri 5,8%. Padanho reForm 6, vanakomana vari kusiira chikoro panzira chikamu che3,9%, vanasikana vari 5,8%.

“Bazi redu rakaita ongororo kuti rinzwisise zvakawanda panyaya yekusiira chikoro panzira iyi. Zvikonzero zvacho zvinosanganisira kushaya mari yefizi (chinova chikonzero chikuru), kuchimbidza kuroorwa nekubata pamuviri kunova kushoma padanho repuraimari asi rinova dambudziko guru kune vanenge vave kusekondari,” vakadaro.

Prof Mavima vakati bazi ravo rakaita ongororo yekusiira chikoro panzira iyi papurovhinzi imwe neimwe kuitira kuti zvinhu zvigadziriswe zvichienderana nemamiriro azvo.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×