‘Vatambi vetsiva vodya nhoko dzezvironda’

Abel Ndooka
PUROMOTA wetsiva Clyde Musonda anoti vatambi vemuno vane chitsama parizvino vave kudya nhoko dzezvironda sezvo vazhinji vavo vachirarama kuburikidza nemutambo uyu uyo wakambomiswa kutambwa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Muhurukuro neKwayedza, Musonda anoti vatambi vetsiva vazhinji vari panguva yakaoma.

“Coronavirus yatiisa panguva yakaoma zvikuru uye vatambi vedu vetsiva vazhinji vari kushungurudzikana nekuti havana chekubata. Tsiva yafa, yawira pasi uye vatambi kutaura kuno vari kudya nhoko dzezvironda,” anodaro Musonda.

Anoti ari pakati pekuronga mutambo we “Kick-out Coronavirus” uyo uchazoshandiswa kuunganidza mari yekubatsira vatambi vetsiva nemamaneja avo pamwechete nevanhu vakasangana nedambudziko rechirwere ichi.

Musonda — uyo anove mutungamiri weDeltaforce Boxing Academy — anoti ane chivimbo chekuti mutambo uyu uchabudirira.

“Tine zvakawanda zvatiri kuronga izvo tinofungidzira kuti zvinogona kubatsira vatambi vetsiva kuti vasimukire kubva panguva yakaoma ino yatakatarisana nayo.

“Asi chekutanga tinoshuvira kuti mutambo udzoke. Kune dzimwe nyika sekuAmerica mutambo wewrestling wakatenderwa kuti ukwikwidzwe asi pasina vatsigiri uye tinongoshuvirawo kuti izvozvo zvigoitikawo muno,” anodaro Musonda.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *