Vatsigiri vorumbidza Nakamba

VATSIGIRI veAston Villa vari kurumbidza zvikuru chizvarwa chemuZimbabwe Marvelous Nakamba padandemutande reTwitter zvichitevera kutamba kwaakaita zvinodakadza svondo radarika apo chikwata chake chakaita mangange 2-2 neBurnley kuVilla Park.

Rakange risiri zuva rekufara reAston Villa iyo mwaka uno yarasa zvibodzwa zvisere zvayainge ichifanirwa kuwana muPremier League.

Asi Nakamba ari kurakidza kuti mutambi wepamusoro izvo zvakaona murairidzi wechikwata chake ichi, Deam Smith, achimutenga nemari inosvika 11 miriyoni paunzi.

Mumutambo wavo neBurnley, Nakamba  akatamba zvemhando yepamusoro.

Kubva paakatengwa neAston Villa mwaka uno achibva kuClub Brugge yekuBelgium, Nakamba akwanisa kutamba mitambo mina kuchikwata ichi iyo inoti mitatu yemuEnglish Premier League kozoti mumwechete mumakwishu eCarabao Leagu Cup uyo wakave mutambo wake wekutanga.

Chikwata chake parizvino muEPL chatamba mitambo minomwe asi Nakamba haana kukwanisa kutamba yose sezvo akambenge akakuvara apo aitambira chikwata chenyika chemaWarriors mumutambo weAfrica Cup of Nations uyo wakaitirwa kuEgypt nguva yadarika.

Asi kubva apora, Nakamba ari kurakidza kuti arovera hoko muchikwata chaSmith zvichitevera kutamba kwaaita mitambo mitatu yadarika.

Izvi zvamuona zvakare achigarisa pabhenji vamwe vatambi vakaita saDouglas Luiz chizvarwa chekuBrazil uyo aimbotambira Manchester City naHenri Lansbury chizvarwa chemuEngland uyo akambotambira Arsenal.

Ane bhora kunyangwe asina, Nakamba anorakidza kuti mutambi wepamusoro.

Mashoko anotevera ndiwo mamwe ezvakataurwa nevatsigiri veAston Villa padandemutande reTwitter.

 

Si R

@Sprawlsy

Zviri pachena handina kufara nezvabuda mumutambo uyu, asi regai nditi ndinofarira zvandiri kuona pana Nakamba????#avfc

 

Gav ??

@gavlarAVFC

Chandakatora kubva pamutambo wedu, Marvellous Nakamba ari kukurumidza kuita mumwe wevatambi vandinofarira #avfc

 

Tom King

@thomasavfc12

Nakamba ange asiri kubatika nhasi – HITC Sport

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *