‘Vechidiki zvibatei’

VECHIDIKI vokurudzirwa kuti vazvibate senzira yekuzvichengetedza kubva kuzvirwere zvepabonde zvinosanganisira HIV neAIDS.

Kurudziro iyi yakaitwa nemuimbi wemusambo weSungura wekuChipinge, Joseph Techu, uyo achangobva kubura dambarefu rake idva rinonzi Kunosara Ani?

“Vamwe vechidiki vari kuvarairwa mazuvano nemafaro pamwe nezvinodhaka zvavari kutora vokanganwa kuchengetedza hutano. Kune vamwe vavo vari kubatwa nezvirwere mushure mekutora zvinodhaka vokanganwa kuzvidzivirira kana kuzvichengetedza apo vanenge vachisasana. Vechidiki ndivo vakabata ramangwana renyika naizvozvo vanofanira kuzvichengetedza,” anodaro Techu.

Techu – uyo anoimba nechikwata cheThe Sounds of Nharirire – akatsikisa dambarefu rake rekutanga muna2011 rinonzi Torai Magumbeze.

Anoti padambarefu rake idzva kambo kanonzi “Kunosara Ani?” ndiko kari kunyanya kufarirwa nevakawanda.

“Mukambo aka ndiri kuti vechidiki vakasangwarira tichapera tese nedenda reAIDS. Vamwe vechidiki vari kupinda muwanano kana kusangana kumafaro nevadikani vavo vanenge vagara vaine denda iri. Mubvunzo wangu pakambo aka ndewekuti tikasangwarira dambudziko iri manje kunosara ani? Ndiri kukurudzira veruzhinji, kunyanya vechidiki, kuti vagare vachiziva mamiriro avakaita maringe neutachiona hweHIV. Vanasikana ngavasakasirawo kuda kuita zvepabonde nevarume vakuru vakadya nyika rutivi kare ivo vachiri vadiki, hutano hunokosha kukunda mari yavanenge vachida kuvarume vakuru ava,” anodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *