Vhenekwai gomarara nenguva: Hurumende

MUKURU anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kubazi reutano nekurerwa kwevana (Director of Epidemiology and Disease Control), Dr Portia Manangazira, vanoti zvipatara zvinorapa gomarara zvichiri zvishoma kana zvichienzaniswa nehuwandu hwevarwere vanoda kubatsirwa.Mashoko avo anotevera nyaya mbiri dzinosiririsa dzakabuda muKwayedza resondo rapera dzaive pamusoro pemadzimai maviri atambudzwa nedenda regomarara rezamu.

“Tinongoramba tichikurudzira vanhu kuti vaende kunovhenekwa gomarara nekukasika risati rakomba kuti ringe richikurumidza kurapwa. Kune mhando dzegomarara dzakawanda kusanganisira remumazamu, muchibereko, remuropa, remumabhonzo, caposi sacoma iro rinobata nhengo dzakaita semuromo neganda.

“Mugore ra2015, gomarara necaposi sacoma raitambudza vanhu vanosvika 2 866 apo remuromo wechibereko kuvanhukadzi raive pa2 994,” vanodaro. Dr Manangazira vanoti ongororo iyi yakabva kusangano reCancer Registry.

Vanoti pane hoche-koche iripo pakati pechirwere chegomarara neutachiona hweHIV sezvo huwandu hwevarwere vane HIV huchienderana nevegomarara, asi zvisingarevi izvo kuti munhu wose ane gomarara anenge aine HIV.

Vanhu vanorarama nehusope nevamwewo vari kunyanya kutambudzwa negomara reganda sezvo ganda ravo richikasika kurohwa nezuva, zvikuru munguva dzekupisa. Vamwe vavo vanotopona nekuzora mafuta ayo anotanda zuva (sunscreen lotion) asi nekuda kwekudhura kuri kuita mafuta aya, vakawanda vavo vari kukundikana kuawana.Zvakadai, mukushi wemashoko kukambani huru mune zvenhau munyika muno, yeZimpapers Group, Beatrice Tonhodzayi, anoti munguva pfupi yadarika kambani yavo yakaita zvirongwa zvekurwisa kupararira kwegomarara.

Zvirongwa izvi zvinosanganisira chekufamba, chaidaidzwa kutiCancer Power Walk, nedonzvo rekuunganidza mari yekubatsira varwere vegomarara kuburikidza nesangano reIsland Hospice rinova riri kushanda pamwe chete nekambani iyi mukurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *